Accessibility links

Breaking News

VaJoe Biden naVaDonald Trump Vorwira Vatsigiri muPennsylvania


VaJoe Biden na VaDonald Trump
VaJoe Biden na VaDonald Trump

Dunhu rePennsylvania nderimwe rematunhu mashoma emuAmerica anogona kuti munhu akwanise kukunda musarudzo yemutungamiri wenyika. Izvi ndizvo zviri kupa kuti mutungamiri wenyika VaJoe Biden nevaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump vatatsurane zvakanyanya mudunhu iri.

Muzvinafundo Michael Sances, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika paTemple University, vanoti: “Mugore ra2016, dunhu rePennsylvania rakavhotera VaTrump.

Muna 2020, rakavhotera VaJoe Biden asi mavhoti avakawana akanga akasiyana ne zviuru makumi mana kana zviuru makumi masere chete mudunhu rine mamirioni nemamirioni evanhu. Saka maonero edu haana kunyanya kusiyana.”

VaSances vanoti nyaya dzinonyanya kutariswa nevavhoti mudunhu iri nyaya dzezvehupfumi uye kupinda nekubuda kwevanhu munyika vachiti, “Vanhu vanotsigira VaBiden vanotaura zvikuru pamusoro pezvavanoti vakaita mukusimudzira zvehupfumi."

Vanotiwo, "Asi vanhu havasi kuzviona saka vanhu vachiri kunetseka nenyaya iyi."

VaSances vatizve, "Vanhu havasi kufara nehuwandu hwevanhu vari kuuya kuzopotera muAmerica zvikuru kumatunhu ari kuchamhembe kwenyika. Vanhu ava havasi kufara havo kunyangwe Pennsylvania iri kure nemuganhu wenyika.”

Kutsvaka rutsigiro muPennsylvania kwaVaTrump kunosanganisira kushora VaBiden pamusoro pemamiriro akaita zvinhu kumuganhu wenyika uye mamiriro ekunze.

VaTrump vanoti, “Tikada kufungisisa nezvinhu zvatinomanikidzwa kuti tiite, mamiriro ezvinhu kumabhodha, kusazvimirira panyaya yemafuta ekufambisa dzimotokari, motokari dzemagetsi dzatinoda kumanikidzwa kutenga, ndiyani anoda kutenga motokari inoshandisa magetsi hupenyu hwake hwose.”

Nyaya yemotokari dzemagetsi nezvimwe zvinotengwa kuChina inyaya inonetsa mumatunhu anogadzirwawo motokari kune vashandi vanoita zvematongerwo enyika.

Mwedzi uno, VaBiden vakawedzera zvakapetwa katatu mitero inobhadharwa pazvinhu zvinogadzirwa kuChina zvinosanganisa motokari dzinofambiswa nemagetsi vachiti China haitevedzere mitemo yeku.

VaBiden vanoti, “Ndakazvipira kuti mune ramangwana dzinofambiswa nemagetsi dzinenge dzichigadzirwa muAmerica.

Ukuwo, VaTrump vakaudza vane pfuti muPennsylvania kuti VaBiden havakwanise kuti vatungamire mamwe makore mana. Vakati, “Joe Biden ndiye mutungamiri akundikana kupfuura vatungamiri vose munhoroondo yeAmerica.”

VaJoe Biden
VaJoe Biden

VaBiden, avo vakakurira muguta reScranton, muPennsylvania, uye vanotsvaka rutsigiro vachishandisa hukama hwavo nevashandi vemudunhu iri, vanoti, “Kubva tichikura, taiziva vanhu vakaita saTrump. Mukutarisa remangwana ndinoona America ine tariro neremangwana rakajeka. Aya ndiwo maonero enyu imiwo vanhu vemuScranton.”

Svondo rino, mutevedzeri waVaBiden, Amai Kamala Harris, vaitsvakawo rutsigiro mudunhu rePennslyvania, kanove kechina vachienda kudunhu iri gore rino.

Amai Harris vakaudza vatsigiri vavo kuti, “Tinovimba neAmerica, inotipa rusununguko, kuenzana kwevanhu, mikana yekuita zvakasiyana siyana uye nemitemo inoshanda zvakaenzana pavanhu vose.”

Amai Harris vakati vavhoti vemudunhu rePennslyvania hafanirwi kunyengerwa naVaTrump nevamwe vavo vachiti: “Panguva ino, vanopfurikidza mwero vari kuedza kupesanisa vanhu munyika medu uye tinovaona vachikurudzira ruvengo pakati pamarudzi.”

VaTrump vakaudza vanhu muPennslyvania kuti vari kukwikwidza kuti America ive nechiremera zvakare vakati, “Tichadzora chiremera munyika."

Vanotizve, "Makore mana apfuura pandaitungamira tairemekedzwa pasi rose. Ikozvino tiri chiseko chenyika. Izvi hazvisi kuzoitikazve kwenguva yakareba.”

Ongororo yakaitwa mwedzi uno nebepanhau rePhiladelphia Inquirer inoratidza kuti VaBiden naVaTrump vakaita mangange mudunhu iri kuri kuti sarudzo dzaitwa nhasi. Asi VaBiden vave nerutsigiro rwevechidiki nevatema avo vakavavhotera vakawanda makore adarika pavakakunda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa nemutori wenhau weVOA, Scott Stearns, mukaiverengerwa na Tanonoka Whande we VOA, Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG