Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Zvichabuda muHurongwa hweKunzwa Pfungwa dzeVanhu paBhiri rePVO Zvichanetsa Kutambirika


Musangano wekunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rePVO muHarare.
Musangano wekunzwa pfungwa dzevanhu pabhiri rePVO muHarare.

Vana veZimbabwe nyika yose mwedzi uno vakapiwa mukana wekuti vapewo pfungwa dzavo pamusoro pebhiri riri kuda kuitwa mutemo rakanangana nemashandiro emasangano akazvimirira, rePrivate Voluntary Organisation (PVO) Bill muhuruongwa hwaitungamirwa nekomiti yeparemende inoona nezvekutongwa kwematunhu.

Asi misangano iyi yakakanganiswa kumatunhu anoti Chinhoyi, Harare, Masvingo neMutare, uko vanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF vaitsigira bhiri iri vanonzi vairambidza vane pfungwa dzakasiyana nedzavo kuti vataure.

Izvi zvakashoropodzwa nevakawanda kusanganisira sangano reZimbabwe Human Rights Association (ZimRights) iro rakati pamusoro pemhirizhonga yakakonzera kumiswa kwemimwe yemisangano iyi, paive nekutyisidzirwa kwakanyanya kwevanhu vaionekwa sevanopikisa bhiri iri.

ZimRights inoti kuita kwakadai kunokanganisa zvakanyanya kodzero dzekuti vanhu vataura vakasununguka sezviri muchikamu 61 chebumbiro remitemo yeZimbabwe.

Nemusi weChitatu muHarare takanzwa munyori wesangano revakarwa hondo yerusununguko, VaDouglas Mahiya, vachiudza musangano wenhengo dzavo kuti sangano ravo riri mushishi kuumbawo sangano raro rakazvimirira richazenge richipikisana nemasangano akazvimirira avakati anenge achipikisana nehurumende.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano re All Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti zvose izvi zvinoita kuti zvichaburitswa nekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu zvisatambirike nevamwe.

VaMasiye vanoti hapana asingazive kuti masangano akazvimirira basa rawo nderekubatsira nechikafu pamwe nekufambisa mashoko uye vanoti munyika magara mune mutemo unobata mashandiro emasangano akazvimirira, nekudaro hapana chikonzero chekuti mutemo uyu uvandudzwe.

Panyaya yekuti vakarwa hondo vave kuumbawo sangano ravo rakazvimirira, VaMasiye vanoti bumbiro remitemo rinobvumidza kuti vanhu vasununguke kuumbawo masangano avo, asi chakaipa chete ndechekuti pave nerusarura pamashandiro emamwe masangano.

Asi rimwe gweta vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti mutemo uri kuda kuunzwa uyu haurambidze kana kumbunyikidza mashandiro emasangano akazvimirira sezviri kutaurwa nevamwe, asi kuti mutemo unoona kuti masangano aya ari kutevera zvinodiwa nemutemo wenyika here.

Doctor Mavaza vanotiwo hapana chakaipa kuti vakarwa hondo vaumbewo sangano ravo, asi chakaipa chete ndechekuti vari umbe vaine chinangwa chekuda kuzokanganisa mashandiro emamwe masangano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG