Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vagari veKumaruwa Voraramiswa neKutengesa Hwiza


Amai Erina Zisengwe vachitengesa hwiza.
Amai Erina Zisengwe vachitengesa hwiza.

Vamwe vagari vekumaruwa akasiyanasiyana munyika vanonzi vave kuwana cheuviri kubva hwiza kana kuti mhashu dzavari kubata munzvimbo dzavo, vamwe vachitobata dzekutengesa zvave kuvapawo zvakare cheuviri.

Hwiza idzi dzauya munguva yakanaka sezvo nyika yakatarisana nenzara inotyisa nekuda kwekusanaya kwemvura kwakanaka, izvo zvave kunzi nevamwe vanotevera chivanhu midzimu yadzimura nzara ichinunura vana vayo munguva yematambudziko.

Mumwe anoti anunurwa sezvo zvirimwa zvake zvose zvakatsva nezuva zvichiri mumunda ndiAmai Selukeko Mhizha vekuBaguta pedyo neChinhoyi, avo vanoti vari kukwanisa kubata hwiza dzekudya nemhuri yavo vachitowana dzimwe dzekutengesa munzvimbo dzakaita seChinhoyi nedzimwe dzakapoteredza zviri kuita kuti vakwanise kutenga upfu nezvimwe.

“Tiri kuwana mari kuburikidza nekutengesa hwiza zvekutowana mari yekutenga upfu, mafuta nezvimwe,” Amai Mhizha vanotsanangura.

Izvi zvinotsigirwa naAmai Erina Zisengwe vekwaZvimba, avo vanoti vanowana mari inodarika madhora ekuAmerica makumi maviri pasvondo iyo vanotengesa sipo, mafuta nezvimwe.

“Ndikashanda zvakanaka ndinowana madhora ekuAmerica anosvika makumi maviri kana kudarika,” Amai Zisengwe vanotsanangura.

Hwiza dziri kutengeswa nemamwe madzimai.
Hwiza dziri kutengeswa nemamwe madzimai.

VaCephas Chidembo ndemumwe wevari kutenga hwiza idzi kubva kune vanodzibata. VaChidembo vanoti sezvinotaurwa neBhaibheri muna Mapisarema 105: 40 kuti Mwari vakayamura vana veIsrael nezvihuta munguva yavakavaburitsa muhutapwa hwe Ijipita, vanhu gore rino vapihwa hwiza kuti vararame nguva ino yenzara.

“Mwari vatirangarira sezvavakaita vana veIsrael vachibva kunyika yeEgypt kuenda kuCanaa apo vakatumirwa zvihuta,” VaChidembo vanotsanangura.

Sadunhu vekwaZvimba, VaGibson Jenami, vanoti izvi hazvina kutanga gore rino sezvo zvaiitika makare kare nguva dzose pakunenge kwaitika nzara.

“Izvi hazvina kutanga iyezvino kubvira kare Mwari vaigara vachiyamura vanhu mumatambudziko ekushaya zvekudya,” VaJenami vanozivisa

Asi VaJenami vanoti hwiza idzi hadzifanirwe kutengeswa sezvave kuitika izvi, vachiti pasi panotsamwa zvekuti hwiza idzi dzinogona kubva dzangopera kana kutsakatika.

“Asi hwiza idzi hadzifanirwe kutengeswa sezvo dzinopihwa pachena kuyamura vanhu,” VaJenami vanotsanangura.

Ukuwo, Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire, vanoti hapana chakaipa kuti vanhu vatengese hwiza idzi sezvo dzisingadyiwe dzisina sadza, vachiti muriwo.

“Handifunge kuti kutengesa hwiza kwakaipa sezvo vamwe vanopihwa hwiza, vamwe vaine mari nekudaro hapana chakaipa kutengesa hwiza kuti vatenge upfu,” Mambo Ngezi vanotsanangura.

Michero yesango yave kutengeswa nevamwe.
Michero yesango yave kutengeswa nevamwe.

Izvi zvinotsigirwa naMambo Zvimba, VaStanley Nyamhondoro, avo vanoti hwiza dzinogona kutengeswa asi michero yemusango yakaita sematohwe, hacha netsubvu haifanirwe kutengeswa sezvo zvichidyiwawo nemhuka dzesango.

“Hapana chakaipa kutengesa hwiza asi havafanirwe kutengesa michero yakaita sehacha, matohwe netsubvu sezvo zvichidyiwa nemhuka,” Mambo Zvimba vanotsanangura.

Vamwe vanotevera chivanhu vanoti kubva kare pose panoitika nzara zvekudya zvakaita semichero, hwiza idzo, shiri nemadora zvinowanda zvekuti zvinorerutsa dambudziko renzara.

Tabvunzawo chiremba vezvehutano, Doctor Peter Matarutse, kuti kunze kwekuwanisa vanhu chikafu hwiza idzi dzine zvadzinobatsira nazvo here muhutano, vakati dzinovaka muviri szvinogoitawo nyama sezvo dziine mapuroteni.

“Hwiza dzine hutano zvakangofanana nenyama sezvo dziine mapuroteni,” Dr. Matarutse vanozivisa.

Kunyange hazvo gore rino hwiza idzi dzisina kuwanda sezvadzakanga dzakaita muna 2020, mhuri dzakawanda dziri kufara kuti dzambokwanisa kuyambuka padambudziko renzara iri.

Chanakira hwiza dzegore rino ndechekuti dzauya munguva yekunge vanhu vapedza kukohwa sezvo dzichizivikanwa nekuparadza zvirimwa padzinenge dzapfuura napo.

Sangano re Food and Agriculture Organization (FAO) rinoti hwiza idzi ndidzo rudzi rwetupukanana tunodya zvirimwa tunoparadza kudarika tumwe twose pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Muna 2021 vakawanda kuChipinge South, zvikuru madzimai, vakakwanisa kuraramisa mhuri dzavo kuburikidza nekutengesa mbeva dzavainobata muminda yavo.

Madzimai aya akati aive ave kukwanisawo kutenga zvakawanda zvinosanganisira chikafu, midziyo yemumba, mbatya dzekupfekedza mhuri,uye vamwe vachikwanisawo kutotenga nzvimbo dzekuvakira dzimba.

Forum

XS
SM
MD
LG