Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika dzemu Africa mukucherechedza zuva rekubatana kwedunhu iri, reAfrica Day, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vachiti Africa inofanirwa kurwisa kuti izvigadzirire yoda zvinonhu zvose zvainoda uye kuzviwanisa chikafu.
VaMnangagwa vatiwo hupfumi hweAfrica hunofanirwa kukura kuburikidza nekuve nevashandi vakawanda vemazre anoshanda.
Vaimbove mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, vaburitsawo mashoko ekukorokotedza vana veAfrica pazuva iri vachiti remangwana reAfrica riri mumaoko avo.
Ukuwo, muzinda weAmerica muZimbabwe watiwo unoremekedza nhaka yeAfrica uye America inotarisira kusimbisa hukama hwayo nenyika dzemuAfrica, uchiti budiriro yeAfrica ibudiriro yepasi rose.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti zuva iri riri kucherechedzwa muAfrica musina kusununguka kunotarisirwa sezvo hurumende dzevatema dziri kudzvanyirira vanhu vadzo.
Doctor Zembe vanotiwo dzimwe nyika dzemuAfrica dzinosanganisira D-R-C, Sudan neMozambique, dziri muhondo, uye hupfumi hweAfrica huchinokorwa nenyika dzaimbenge dzakadzvinyirira nyika dzemudunhu iri, izvo zvinopesana nechinangwa chezuva iri.
Forum