Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaEmmerson Mnangagwa Vanopa Kambani yeStarlink Mvumo yeKushanda Iri muNyika


Michina yeStarlink inobata masaisai.
Michina yeStarlink inobata masaisai.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vazivisa kuti vapa kambani yekuAmerica yemasaisai yeStarlink mvumo yekuti ishande muZimbabwe.

Izvi zvinotevera kunyorera kwakaitwa nekambani iyi kuPOTRAZ ichitsvaga rezinesi rekuti ibvumidzwe kushanda iri munyika. Mumashoko avo avazivisa kuburikidza nedandemutande ravo re’X’ iyo yaimbonzi Twitter, VaMnangagwa vati kambani yeStarlink ichange ichishanda nekambani yemunyika yeIMC Communications (Pvt) Ltd.

Sangano renhau reZimLive rinoti kambani yeIMC Communications (Pvt) Ltd ndeya muzvinabhizimusi VaWicknell Chivhayo. Starlink ikambani yamuzvinamari, VaElon Musk vekuAmerica inoshanda iri pasi Space X.

Asi vamwe vanoti kuziviswa kwaitwa nemutungamiri wenyika kunoita sekunge vapindira muhurongwa hwekusharwa kwemakambani anopiwa marezinesi nePOTRAZ. Vamwe vanotiwo havaoni zvavo chakaipa sezvo zvichizivikanwa kuti masimba ose ari kumutungamiri wenyika.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi remutungamiri wenyika panyaya iyi.

Hatinawo kukwanisa kubata VaChivhayo kuti tinzwe divi ravo.

Nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nezvekudyidzana kwenyika dzapasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti danho raziviswa nemutungamiri wenyika iri idanho rakanaka zvikuru sezvo richizobatsira kurerutsira vemabhizimusi pamwe nevanhowo zvao kuwana masaisai ane mutengo uri pasi.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo havaoni kupinda kweStarlink munyika kuchiburitsa makambani agara ari mubasa iri kunze kwekunge hutungamiri hwemakambani aya hwusingagone basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

​
XS
SM
MD
LG