Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanoti Hupenyu hweVakarwa Hondo Huri Nani Pasi peHurumende Yavo Izvo Zvinopikiswa naVaTrump


Vakarwa hondo yeAmerica.
Vakarwa hondo yeAmerica.

Pasi pehurumende yaVaJoe Biden, vakarwa hondo vemuAmerica vapiwa mari inodarika mabhirioni mashanu ane mamirioni mazana manomwe emadhora ($5.7 billion) kuburikidza nekukudzwa kwezvirongwa zvehutano.

Asi vaimbova mutungamiri weAmerica, VaDonald Trump, vanopikisa vachiti hupenyu hwevakarwa hondo ava hwaive huri nani munguva yavakanga vari kumuzinda weWhite House.

Mutori wenhau weVOA, Veronica Balderas Iglesias, anotarisa zvingangodiwa nevakarwa hondo kubva kune mutungamiri wenyika achauya.

Vakarwa hondo muAmerica, vanoda kusvika kuzviuru mazana masere nemakumi mapfumbamwe (890,000) vakakanganisirwa hutano hwavo nemishonga inouraya munguva yavaive kuhondo vakatobatsirwa kare nemutemo we PACT, mutemo wakadzikwa na VaJoe Biden muna 2022, nechinangwa chekuwedzera kubatsirwa kwevakarwa hondo vane hutano hwakakanganiswa pamwe nekubetsera mhuri dzavo.

Nemusi weChitatu chapfuura, VaBiden vakazivisa kuti vanhu vanoita miriyoni vakatobatsirwa nemutemo wePACT, vachiti, “Kunetseka kufema, gomarara, gomarara rehurozvi, vanhu vanotambudzika kwenguva refu. Haufanirwe kumanikidzwa kuburitsa humbowo hwekuti chirwere chako chakabva mubasa rako rechiuto, tinotenda mutemo wePACT, hausungirwe kuratidza kuti uri kutaura chokwadi.”

VaBiden vakatsinhira kuti mitemo makumi matatu inobatsira vakarwa hondo nemhuri dzavo yakadzikwa nehurumende yavo.

VaBiden vakati, “Takawedzera mari yekuti tipedze dambudziko revakarwa hondo rekushaya pekugara, kuwedzera vashandi vezvehutano hwepfungwa vakanangana nekubatsira vakarwa hondo chete uye kupedza dambudziko rekuzviuraya kwevakarwa hondo.”

VaDonald Trump vebato remaRepublican, avo vari kukwikwidzana na VaBiden musarudzo yemutungamiri wenyika ichaitwa gore rino, vanoti hupenyu hwevakarwa hondo hwaive huri nani munguva yavaive vari mutungamiri wenyika.

VaTrump vakatambanudza nharo dzavo idzi muvhidhiyo yakaitwa padandemutande remavhidhiyo, reRumble Back In November, vachiti, “Tine vakarwa hondo zviuru makumi matatu nezvitatu (33,000) vasina pekugara uye vane hurombo hunotyisa, ndingangowedzera, uye zvinonyadzisa.

Takavabatsira zvakanyanya mumakore mana angu ndiri mutungamiri wenyika, asi zvose izvi zvakaraswa.”

VaTrump vakawedzera vachiti kana vakadzokera kumuzinda weWhite House zvose izvi zvichashanduka, vachazvigadzirisa kana vakadzokera pachigaro.

VaTrump vanoti, “Pazuva rekutanga, ndichashandisa masimba ehutungamiri pakumisa mari iri kushandiswa naBiden kupa vabvakure vari munyika zvisiri pamutemo pekugara nekuvatakura - ndigoshandisa mari iyoyo kupa vakarwa hondo pekugara nekuvarapisa.”

Sangano reNational Association of Social Workers rakarumbidza kuvandudzwa kwehupenyu hwevakarwa hondo pasi pedzihurumende dzavo vose VaBiden naVaTrump, VaTrump vachironga kuti vakarwa hondo vawane rutsigiro kunze kwebazi rinoona nezvevakarwa hondo, reU.S. Department Of Veterans Affairs.

Asi pachine zvimhingamipinyi zvichiripo, vanodaro VaAnthony Estreet, vanove mukuru wesangano re National Association of Social Workers.

Va Estreet, vanoti, “Vamwe vanga vachinetseka kuti vapinde muzvirongwa zvinovabatsira, vachinetseka kuwana magwaro uye vachitarisana nenguva refu vakamirira nekushaya vashandi.”

VaEstreet vakati anenge asarudzwa kuva mutungamiri wenyika anofanirwa kuona kuti vakarwa hondo vanokurumidza kuwana mukana wekubatsirwa pazvirwere zvepfungwa, zvikuru sei pachitariswa kushomeka kwenyanzvi dzinoziva basa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Iyi inyaya yabva kuna Veronica Balderas Iglesias, mutori wenhau we VOA News ari muWashington, makaipiwa naTanonoka Whande weVOA Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG