Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheZimbabwe Heritage Lacrosse Chinopedza Chiri muZvikwata Zvina zvePamusoro


Chikwata cheZimbabwe Heritage Lacrosse 2024.
Chikwata cheZimbabwe Heritage Lacrosse 2024.

Chikwata chemadzimai chemutambo welacrosse cheZimbabwe Heritage chakashura mare kumakwikwi eHeritage Cup 2024 chakashamisa vakawanda vanotevera mutambo uyu mushure mekuguma chiri mukati mezvikwata zvina zvepamusoro.

Chikwata ichi, icho chaikwikwidza kekutanga kumakundano aya, ayo akaitirwa pachikoro chepamusorosoro cheHaverford College chiri muPhiladelphia mudunhu rePennsylvania muAmerica neMugovera neSvondo, chakakwanisa kupedza chiri pachinhanho chechina pakati pezvikwata zvemadzimai zvaimirira nyika makumi maviri zvakakwikwidza.

China ndiyo yakasimudza mukombe uyu mushure mekurova Latvia mufainari, iyo yakazotora menduru yesirivha.

Zimbabwe yakarohwa neArgentina mumutambo wekurwira chinhanho chechitatu icho chine menduru yebhuronzi.

Chikwata cheZimbabwe Heritage ichi chakaumbwa gore rino nevasikana vaviri vanobva kuZimbabwe, Tariro naTapiwa Kandemiri, avo vanove vana vemutori wenhau weVOA Studio 7 Jonga Kandemiiri, uye vari vatambi vepamusoro vemutambo uyu.

Achitaura mushure memutambo wavo neArgentina, Tariro akati akafara chose kuti vakatamba vakapedza vari pakati pezvikwata zvina zviri pamusoro zvisineyi nematambudziko avanga vambosangana nawo mukuumba chikwata ichi.

Zim Heritage Lacrosse Team
Zim Heritage Lacrosse Team

"Ndiri kunzwa kufara kuti ini naSisi vangu patakatanga kugadzira team iyi tainetsekana kuti tichawana here vanhu vnoda kutamba? Tichasvika sei ikoko? Mayunifomu tichamawana kupi? Asi vanhu vakawanda vakatibatsira kuti tisvike pano (patiri nhasi) apa."

Mumwe wevatambi vechikwata cheZimbabwe, Thandi Chisango, uyo akabva kuDallas mudunhu reTexas, anoti anofarawo kuti pave nechikwata che lacrosse chinomirira Zimbabwe muAmerica, izvo anoti zvave kuvapa mukana wekuratidza hunyanzvi hwavo.

Murairidzi wechikwata ichi, Mark Mozier, anoti akashamiswa zvikuru nematambiro akaita vasikana vaimirira Zimbabwe ava kunyange vakanga vasina kunge vawana nguva yakareba yekuti vagadzirire vari pamwe chete.

"Hatina kuwana mukana wekugadzirira. Takasangana musi weChina padandemutande reZoom, tikataura zvataida kuita. Vasikana vari muchikwata vanougona mutambo uyu, uye vatamba zwakanaka vakabatana."

Tapiwa Kandemiiri akavimbisa kuti gore rinouya anoona chikwata chavo chichisimudza mukombe weHeritage uyu uye kutonokwikwidza kumakwikwi epasi rose emutambo uyu.

"Nekuhwinha kwataita uku kubuda tiripa nhamba 4 pagore rekutanga, zvinototibatsira nekuti tatova nevanhu vari kutoti gore rinouya tiri kuda kutamba nemi. Saka gore rinouya tinenge tichiziva kuti first year takapinda tiri nhamba 4, next year tinoita namba 1."

Zvikwata zveZimbabwe Heritage Lacrosse neArgentina Heritage Lacrosse.
Zvikwata zveZimbabwe Heritage Lacrosse neArgentina Heritage Lacrosse.

Mumwe mubereki wekuZimbabwe aivepo achionawo mitambo iyi, Amai Irene Bepete, vakakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuti zvitsigire chikwata ichi gore rinouya.

"Tiri kuona kuti vasikana vedu ava vanyatsotimiririra senyika yeZimbabwe zvakanaka chaizvo. Tinongokurudzira kuti varambe vachitamba mutambo uyu kuitira kuti vechidiki vadzidzewo kwavari."

Mumwe zvekare mubereki ane mwana anotambawo lacrosee akauyawo kubva kuDallas mudunhu reTexas, Amai Buhle Dube, vanoti vanofadzwa zvikuru nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica zvave kukwanisa kusangana zvichikwikwidzawo mumakwikwi makuru akadai.

Amai Dube vakakurudzirawo mhuri yeZimbabwe iri muAmerica kuti ibude ichitsigirawo vanasikana ava.

Makwikwi eHeritage Cup anoitwa gore roga roga muAmerica uye makore adarika akanga achingove evanhurume nevakomana vemapoka emakore akasiyansina vachibva kunyika dzinosanganisira China, Israel, Jamaica, Mexico, France neGermany.

Asi gore rino makwikwi aya akawedzera huwandu hwevanokwikwidza achipawo mukana kuzvikwata zvemadzimai, uye kuwedzera nyika dzakakwikwidza.

Chikwata cheZimbabwe Heritage chakaumbwa nevasikana vakabva mumatunhu anoti Maryland, Texas, Georgia, Ohio neNew York nemumwechete akabva kunyika yeCanada.

Kuti isvike pachinzvimbo chechina, Zimbabwe Heritage Team yakarova zvikwata zvinoti Israel-Blue, Peru nePortugal, yakazorohwawo neLatvia neArgentina.

Chikwata cheZimbabwe Heritage ndicho chega chaibva mudunhu reAfrica sezvo zvimwe zvikwata zvaibva kumatunhu anoti Asia, Carribean, Europe, North America neSouth America.

Nyika dzakawanda dzakakwikwidza mumakwikwi eHeritage Cup aya dzakaashandisa segadziriro yemakundano epasi rese eWorld Lacrosse Championship egore rino, ayo achaitirwa kuUtica, muguta reNew York, muAmerica.

Makwikwi eHeritage Cup aya akanangana nevatambi vemutambo uyu vari muAmerica nechinangwa chekushambadza mutambo uyu, kuunganidza mari pamwe nekuunganidza zvekushandisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG