Accessibility links

Breaking News

America Inocherechedza Zuva reKuremekedza Mauto Ayo Akashaya muHondo Dzakasiyanasiya reMemorial Day


Nzvimbo inovigwa mauto eAmerica iri muColleville-sur-Mer, Normandy.
Nzvimbo inovigwa mauto eAmerica iri muColleville-sur-Mer, Normandy.

Zvizvarwa zveAmerica zvabatana zvichicherechedza zuva rekuremekedza nekuchema mauto enyika iyi akafa achirwira nyika iyi, rinove zororo reMemorial Day.

Vachitaura vari kumarinda eArlington National Cemetery muArlington mudunhu reVirginia, mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vatenda vose vakafa vachirwira nyika yavo nechinangwa chekuunza hutongo hwejekerere pasi rose, vachiti rusununguko harusi chinhu chinongowanikwa, asi kuti chinhu chinotorwira uye kudzivirirwa.

Zuva iri rakatanga kucherechedzwa kupera kwehondo yekurwisana kwezvizvarwa zveAmerica, kana kuti Civil War, muna 1865 zuva iri richizivikanwa seDecoration Day, apo hama neshamwari dzemauto akafa muhondo iyi vaienda kumakuva evashakabvu vachiagadziridza nekuashongedza senzira yekuvarangarira.

Zuva iri rakazotanga kutorwa sezuva rekuzororo muna 1968, rikazotarwa kuve zororo zviri pamutemo mugore 1971.

Mazuva ano vanhu vanocherechedza zuva iri nekufora mumigwagwa vachiita mitambo yakasiyanasiyana, uye kuita mabiko nekugocha nyama vachinwa zvinonwiwa pamwe nekuona ma’firework’ usiku.

Chizvarwa cheZimbabwe chinogara mudunhu reFlorida, Doctor Gadziro Gwekwerere, vanoti sekuona kwavo mauto akafira nyika dzawo anofanirwa kuremekedzwa nekurangarirwa, vachiti zuva iri harineyi nezvemapato kana zvematongerwo enyika asi kuti izuva ravanhu vose.

Zuva iri vakawanda nemhuri dzavo, hama neshamwari dzevakashaya vanoungana munzvimbo dzakavigwa mauto dzakasiyana siyana uko kunenge kuchiturwa mashoko pamwe nezvimwe zvekuvatandadza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG