Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, vanoti Vachakamirira Mhinduro Kubva kuSADC paNyaya yeSarudzo dza2023


Former CCC Leader Nelssn Chamisa
Former CCC Leader Nelssn Chamisa

Vaimbove mutungamiriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, (CCC) Advocate Nelson Chamisa, vanoti kunyange hazvo SADC yakabvuma kuti sarudzo dzemuZimbabwe dzaNyamavhuvhu gore rapera dzainge dzisina kufambiswa zvakanaka uye ikatambira chichemo chavo chekuti itarisise nyaya iyi, haisati yagadzirisa dambudziko rekubirwa kwesarudzo uye vachakamiririra mhinduro.

Vachitaura vari muHarare, VaChamisa vati kunyange hazvo African Union neSADC nevamwe vakaongorora sarudzo idzi vakati dzainge dzisina kufambiswa zvakanaka, SADC haisati yatora matanho ekugadzirisa dambudziko rekubirwa kwerudzo iri kunyange hazvo yakavavimbisa kuita izvi.

Vati zvichitevera sarudzo idzi vakanyorera kuSADC iyo yakavavimbisa kuti ichagadzirisa nyaya iyi asi vave kushushikana kuti nguva yafamba nyaya iyi isati yagadziriswa.

VaChamisa vatiwo nyika haigoni kuramba ichiita sarudzo dzisina kujeka ndosaka vari kuda kuti SADC igadziririse nyaya iyi kuitira kuti Zimbabwe isarambe ichiita chiseko chepasi rose.

“Takanyorera SADC vakatipindura vakati nyaya yenyu iri mugango. Iri mudaririro. Asi tiri kuona sekuti nguva yave kuramba ichifamba. Chatakatarisana nacho toda kuti nyaya iyi igadziriswe nekukurumidza, nechimbi chimbi . Vamwe vanogona kuti tave kumiriria here 2028. Bodo, 2028 hakuna. Hatizi kuzoitazve dzimwe sarudzo tisina kunge tagadzirisa sarudzo dzakapfuura.”

Vati vanhu vayaura nenhamo munyika nekuda kwesarudzo dzisina kufambiswa zvakakana vachiti kana SADC yakanonoka nemhinduro vana veZimbabwe vachatsvaga mhinduro pachavo kupedza matamabudzi ari munyika.

"Munoziva mhinduro inenge yanooka inoteverwa. Ikateverwa isiko tova mhinduro yacho isusu. Saka vanhu vemuZimbabwe tisu mhinduro pamatambudziko atiinawo nekuti hatingaiite nyika ine hupfumi hwakadai. Zvicherwa makumi matanhatu asi hupfumi huri kudyiwa nevatorwa," vawedzera vachidaro VaChamisa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reSADC panyaya iyi.

VaChamisa vatiwo kunyange vakasiya bato reCCC vanoramba vari mutungamiriri nekuti vakasarudzwa nevanhu vanodarika mamiriyoni maviri pasarudzo yemutungamiriri wenyika dzegore rapfuura.

“Vamwe vobvunza kuti makasiya zveCCC. Hongu ndakasiya mushika shika asi ndichiri kungochaira. Ini ndini muchairi wenyika handisi muchairi webato.”

VaFarai Marapira, mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF.
VaFarai Marapira, mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF.

Asi mushandi mukuru muhofisi yekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti sarudzo dzakatopera uye bato ravo rave kuenderera mberi nekutungamiriri nyika.

“VaChamisa kungotaura zvavo zvenhando asi dzakatouya dzikapera isu seZanu PF iri kutotonga tichiita basa ratakatumwa nevanhu ndosaka muchiona nzira dziri kugadzirwa, madhumu ari kuvakwa ivo vachingochema. VaMnangagwa vari kuenderera mberi nekusimudzira hupfumi ivo vachingochema.”

Panyaya yekuti VaChamisa naVaMnangagwa vataurarirane kugadzirisa matambudziko ari munyika, VaMararapira vati bato ravo rakasununguka kutaura nezvizvarwa zvese zveZimbabwe.

“VaChamisa kana vachirevesa kuti vanoda kutaura neZanu PF vanoziva zvazvinoitwa. Zanu PF haina mahofisi muteverevhizheni, haina mahofisi muwairesi. Kwekutiwana vanokuziva,”VaMarapira vawedzera.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzenge, vaudza Studio 7 kuti izvi zvinogona kuti vana veZimbabwe vagare pasi vozvitsvagira mhinduro pazvichemo zvavo voga.

VaEarnest Mudzengi.
VaEarnest Mudzengi.

“SADC hongu inobetsera, ine peinosvika, asi iyi nyaya ndeye vemuno muZimbabwe kuti vagare pasi voita hurukuro kuti nyaya dzaramba dzichinetsa munyika dzingagadziriswa sei?”

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika zvakare vari mutungamiriri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Wuruyayi Zembe, vati SADC yakatokundikana pamusoro penyaya yeZimbabwe, vachiti VaChamisa vanofanira kuramba vachishanda zvakasimba kuti nyika iite sarudzo dzakachena zvisineyi kuti vakasiya bato reCCC.

“Saka mukana wakazara zvikuru kuna VaChamisa kuti varambe vachiita zvematongerwo enyika munyika muno umu nevanhu vese vari muZimbabwe. Vanofanira kutotaridza kuti toita sei kuti tigadzirise dambudziko rekuita masarudzo anobirwa, anosvinyangwa.”

Kunyange hazvo SADC yakati sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kufambiswa zvakanaka, muna Nyamavhuvhu wegore rino hutungamiri hwesangano iri huchange huchigadzwa pane mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, izvo zvinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika zvinogona kureva kuti SADC haichina matanho aichatora pamusoro pegakava resarudzo dzemuZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG