Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokumbira US$3,3 Billion Kubatsira Vanhu Mamiriyoni Mapfumbamwe (9 Million) Vatarisana neNzara


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika vaemmerson mnangagwa vave nemakore vachivimbisa kugadzirisa nyaya yemabasa munyika kubva zvavatora mhiko yekutungamira muna 2017. Masvondo maviri adarika pavaikumikidza kuvhurwa kwekambani inogadzira chingwa yeBakers Nnn kubulawayo vakavimbisazve kugadzirisa dambudziko iri.

Asi kune vechidiki vakawanda munyika, mabasa ari kunonoka kuuya zvopa kuti vazviitire havo mabasa emaoko kuti vawane chouviri. Vachiparura chikumbiro chavo pamwe neUnited Nations Development Programme kana kuti UNDP, gurukota rezvematunhu, VaDaniel Garwe vakati huwandu hwevanhu vane nzara nevanoda rubatsiro rwakura kumaruwa nemadhorobha kusvika pazvikamu makumi matanhatu kubva muzana zvevanhu vese munyika.

Vanoti vanhu ava vanoda rubutsiro kubva muna Kurume wegore rino kusvika muna Kurume wegore rinouuya.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete muku weUnited Nations muZimbabwe VaEdward Kallon vakati UN ichaunganidza US$429 million kubatsira Zimbabwe kuti vanhu vasafe nenzara.

Kunyange hazvo nyika dzakawanda muSADC dzakarohwa nenzara Zimbabwe ndiyo iri kuda mari yakawanda kudzidarika. SADC yakatoisa chikumbiro chekuti inoda mabhiriyoni mashanu nezviuru mazana mashanu zvemadhora zvekuti vanhu mudunhu rese vasafe nenzara.

United Nations iri kutsvagira Malawi mamiriyoni mazana maviri kana kuti US$200 miillion ukuwo Zambia yakakumbira mari inosvika mamiriyoni mazana mapfumbamwe kana kuti US$900 milion.

Vamwe vakaita sevanoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano Zimbabwe Network For Social Justice, VaReuben Mbofana, vanoti panofanira kuitwa ongororo yekuona kuti mari iri kudiwa neZimbabwe haina kuwandisa here uye kuti haizo shandiswa zvisizvo here.

Asi Reverend Forbes Matonga avo vakambotungamira sangano rino rubatsiro reChristian Care, pane zvikonzero zvakawanda zvinoita kuti huwandu hwemari inodiwa hurambe huchikwira kubva pane hwakambotaurwa.

Vatiwo hurumemende inogona kunge yakatanga kupemha isati yapedza ongororo yekuona kuti vanhu vane nzara vangani.

Pakusiyana kwemari dzinodiwa nenyika yega yega Rev Matonga vati mitengo yezvinhu pamwe nesimba remari inoshandiswa ndizvo zvezvimwe zvinoita kuti mari dzinodiwa dzisiyane.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community, VaClarisa Madhuku vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti kuwedzerwa kwaitwa mari inodiwa neZimbabwe kunoratidza kuti nzara yakakomba munyika kudarika zvaifungirwa nehurumende.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanotiwo Zimbabwe iri kuda mari yakati wandei nekuti yave kutarisawo mberi kutsvaga nzira dzekuti nyika isapemhe kana mvura yarambira mudenga.

Asi kuwana mari iyi kunonzi nesangano reWorld Food Programme kuchati netsei sezvo kuine chikafu chakawanda chiri kudiwa kunzvimbo dzine hondo dzakaita seGaza, Sudan, Syria nedzimwe. Nyika dzinorimawo chigabe negorosi zvakawanda zvinotengeswa pasi rose dzinoti Russia neUkraine dziri kurwisana zvawedzera dambudziko rechikafu iri.

Pachikero chenzara cheGlobal Hunger Index Zimbabwe iri pachinhano chezana nemakumi mamashanu nepfumbamwe (159) panyika zana nemakumi mapfumbamwe nenhatu (193).

Ongororo yegoho ichangobva mukuitwa inoratidza kuti Zimbabwe iyo inoda matani mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri pagore ichawana matana zviuru mazana manomwe chete (700 000).

Kunze kwekupemha rubatsiro, gurukota rezvekurima Doctor Anxious Masuka vanoti nyika iri kurimawo gorosi nechibange chemuchando kuti vanhu vasafe nenzara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG