Accessibility links

Breaking News

Zvitoro Zvidiki neVanotengesera muMigwagwa Vopomerwa Mhosva yeKutengesa Zvinhu Zvakapfuura Mazuva Azvo eKunge Zvashandiswa


Zvimwe zvinotengeswa mumigwagwa zvinonzi zvinenge zvadarika
Zvimwe zvinotengeswa mumigwagwa zvinonzi zvinenge zvadarika

Kuferefetwa kwakaitwa nekomisheni inochengetedza vatengi, yeConsumer Protection Commission, mumamwe matunhu makuru emunyika, kunonzi kwakaratidza kuti zvinhu zvinosvika zvikamu makumi matatu kubva muzana, kana kuti 30 percent, zviri kutengeswa muzvitoro zvidiki zvinosanganisira maTuck Shop pamwe nemumigwagwa zvinenge zvakapfuura nguva yazvo yekuti zvinge zvichidyiwa kana kushandiswa.

Kuferefeta uku kunonzi kwakaburitsawo zvakare pachena kuti zvimwe zvitengeswa zvakaita sechingwa, mupunga, sauti neshuga zvinenge zvisina huremu hunobvumidzwa pamutemo.

Asi izvi zvine zvazvinokanganisa nazvo veruzhinji here?

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti iri idambudziko ratekeshera nenyika yose.

Nyanzvi mune zvehutano vari chiremba, Dr. Henry Madzorera, vanoti zvinhu zvinenge zvadarika nguva yazvaifanirwa kudyiwa kana kushandiswa hazvifanirwe kunge zvichitengeswa sezvo zvimwe zvacho zvinenge zvaora kana kuve muchetura izvo zvinozokangania hutano hwevanhu.

Mubvunzo mukuru ndewekuti vanotengesa ava vanenge vawanepi zvinhu zvisina kukodzera kutengeswa kana kushandiswa izvi?

Doctor Chitambara vanobatsira ipapo nemhinduro vachiti zvizhinji zvezvinhu izvi zvinenge zvakabva kumakambani anozvigadzira asi vanozozvitapudza tapudza kuti vazvitengese zvakawanda vachizviisa mumapepa emakambani asi zvave nehuremu hushoma.

Asi imwe nhengo yerimwe sangano rinomirira vanotengesera mumigwagwa, reSurvival Vendors Union Of Zimbabwe, VaEmanuel Kwamira, vanoti ivo sesangano havasati vambosangana nenhau iri kutaurwa neConsumer Protection Commission iyi, vachiti nhengo dzavo zhinji dzinotora zvadzinotengesa kubva kumakambani anozvigadzira dzichibva dzangopinza pamusika.

Sachigaro weConsumer Protection Commission, VaMthokozisi Nkosi, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti keferefeta kwavo kwakaburitsa kuti mumusha weMbare ndimo muri kunyanya kubva zvitengeswa zvine huremu huri pasi zvakaita sehupfu, mupunga, munyu neshuga.

VaNkosi vakati kutengeswa kwezvinhu zviri pasi pehuremu hwakatarwa pamutemo pamwe nezvimwe zvinenge zvadarika nguva yazvo yekuti zvinge zvashandiswa kuri kunze kwemutemo.

Vakati komisheni yavo ichishanda pamwe nebazi rezvemaindasitiri nekutengeserana rakaparura chirongwa chichabata nyika yose, uye vanotengesa vanodarika chiuru vakatosungwa gore rino chete nemhosva idzi.

Vanowanikwa vaine mhosva vanonzi vanobhadhariswa mari dzemafaindi kana kupika mutongo usingapfuuri gore vari mujeri kana zvese jeri nefaindi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG