Accessibility links

Breaking News

Masangano emuZimbabwe Ari Kuongorora Sarudzo muSouth Africa


Masangano akawanda anoona nezvesarudzo munyika aenda kunoongorora sarudzo dziri kuitwa mangwana ku South Africa. Masangano atumira nhumwa anosanganisira Zimbabwe Election Support Network, Election Resource Centre, Women's Academy For Leadership And Political Excellence kana kuti WALPE nemamwe.

Kuvhota kwakatanga svondo rapera nezvizvarwa zvesouth africa zviri kunze kwenyika.

Nhasi vamwe vakapihwa mvumo yekukurumidza kuvhota vange vachiitawo izvi nhasi.

Sarudzo idzi dzakatarisirwa nevakawanda pasi rose sezvo bato riri kutonga reanc riri kunzi muongororo dziri kuitwa rinogona kutadza kuwana zvikamu zvinodarika makumi mashanu kubva muzana kana kuti 50% zvinorimanikidza kuti ribatane nemamwe mapato madiki kuti rikwanise kutungamira.

ANC iri kupomerwa mhosva yehuori nekutadza kutungamira. Asi iyo inoti ndiyo chete inokwanisa kuti South Africa ive neremangwana rakajeka.

Mamwe mapato ari kukwikwidzana zvakasimba ne ANC anosanganisira re EFF, reDemocratic Alliance uye reUmkonto Wesizwe.

Mukuru weWALPE Muzvare Stabile Dewa vanoti semadzimai ari mune zvematongerwo enyika vakaendawo kunoona nekudzidza kuSouth Africa nechinangwa chekusimudzirana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG