Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveSouth Africa Zvinopinda muSarudzo Dzinonzi neVamwe Dzafamba Zvakanaka Asi Vamwe Vachiti Dzanga Dzine Zvimhingamipinyi


Sarudzo dzemuSouth Africa
Sarudzo dzemuSouth Africa

Zvizvarwa zveSouth Africa zviri kuvhota musarudzo dzekutsvaga vamiriri veparamende nematunhu, idzo dzinonzi nekomisheni inotungamira sarudzo munyika iyi, yeIndependent Electoral Commission, kana kuti IEC, dzatanga nenguva uye kufamba zvakanaka.

Komisheni iyi inoti panzvimbo dzekuvhotera dzinoita zviuru makumi maviri nezvitatu zvine mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nembiri, kana kuti 23, 292, zvikamu makumi mapfumbamwe nezvitatu kubva muzana, 93 percent, zvavhura nenguva yakatarwa ya 7 dzemangwanani, ichiti zvikamu zvinomwe zvanonoka kuvhurwa nekuda kwekunonona kusvika kwemapepa ekuvhotesa.

Asi mutungamiri webato rinopikisa reEFF, VaJulius Malema, vanyunyuta vachiti kuvhota kwanga kuchinonoka zvakanyanya zvaita kuti vanhu vapedze nguva yakareba vari mumitsetse.

VaMalema vati nekuda kwekunonoka kufamba kwemitsetse uku, vave kutyira kuti sarudzo dzinogona kunzi dzipinde muzuva repiri neChishanu vachiti zvinopa mukana wekubiridzirwa kwesarudzo uye mapato haana hurongwa hwakadaro.

Mukuru wesangano reElection Resource Centre, Doctor Babra Ontibile Bhebhe, avo vari kuongorora sarudzo idzi nesangano ravo, vaudza Studio 7 kuti nzvimbo dzose dzavashanyira muCape Town dzavhurwa nenguva uye zvikwanisiro zvose zvanga zvavepo.

Asi vanoti mune dzimwe nzvimbo michina yemazita evanhu kana kuti Voter Management Device, yanga ichimboshanda yomira nekuda kwekunetsa kwemasaisai.

Vanhu vachida kuvhota.
Vanhu vachida kuvhota.

"Kwese kwataenda voting was happening peacefully. Vanhu vanga pasina mhirizhonga at all. The only hitch yatangoona in one of the station was that yavanoti Voter Management Device, VMD, yanga isiri kushanda due to network. But that was at one polling station," Doctor Bhehe vanodaro.

Mamwe mapato anga achikwikwidza anonziwo anga akaisa vanhu panze vanga vachinyora vanhu vanenge vabva kunovhota, sezvakaitwa neFAZ musarudzo dzakaitwa gore rapera.

"Ivavo varipo, but unlike kuZimbabwe, kuno uiku taona kuti mapato akasiyana ane ma tables outside polling stations. Tabvunza kuti ko muri kuita nezveyi vakati they are just gathering informationyevanhu vavo vari kupinda vachinovhota kuitira kuti pavanozoitwa counting voita an idea yekuti vanhu vavo zvinenge zvichienderana here zvava recorder nezvicha anaunzwa pane that particular poling station," vanodaro Doctor Bhebhe.

Vanoti dambudziko rinongozuya chete kana vanenge vachinyora vanhu vanenge vavhota ava vave kushandiswa kutysidzira vavhoti.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheUNISA uye vari mukuru wekambani yeUnderhill Corporate Solutions, Doctor Eddie Mahembe, vanoti semaonero avo sarudzo idzi dzafamba zvakanaka uye zvizvarwa zveSouth Africa zvaratidza kuti zvine hutongo hwejekerere.

"Tinenge takatoita sekuti hatisi muAfrica tose. Zvomuno muSouth Africa, vanenge vatokura kudarika vemuZimbabwe panyaya dze democracy. Asi isusu takaita independence muna 1980 ivo vakaita years later muna 1994. asi vanokoshesa kuti zvido zvevanhu zvibude."

Sarudzo dzemuSouth Africa
Sarudzo dzemuSouth Africa

Doctor Mahembe vanoti kunyange hazo panga paine zvidiki zvinokanganisa pano nepapo, vanoona mapato ose apinda musarudzo idzi achitambira zvichabuda musarudzo, vachiti mutungamiri weEFF VaMalema pamwe nemutungamiri webato reDA vanotizivisa kare kuti vachatambira zvichabuda.

Sarudzo idzi dzinovharwa zviri pamutemo nenguva dza 9 manheru, uye zvichabuda musarudzo zvinotarisirwa kuziviswa nemusi weSvondo.

Vanhu mamiriyoni makumi maviri nemasere, (28 million), vakanyoresa kuvhota uye mapato anodarika makumi mashanu akanyoresawo kukwikwidza.

Nhengo dzeparamende ndidzo dzinozosarudza mutungamiri wenyika.

Asi bato riri kutonga reANC rinonzi nevamwe vanoongorora zvematongerwo enyika ringangotadza kuwana mavhoti anoita kuti riumbe hurumende riri roga zvinozoita kuti muve nehurumende yemubatanidzwa.

Masangano anoongorora sarudzo ane chitsama akabva kuZimbabwe ari kuongorora mafambiro esarudzo idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG