Accessibility links

Breaking News

Vanopikisa Munyika Dzine Sarudzo Dzinoti South Africa, Mozambique neBotswana Voshora Zanu-PF neKuda Kukonzera Nyonga-Nyonga


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mapato anopikisa muSouth Africa umo muri kuitwa sarudzo nhasi, nevari muMozambique neBotswana muri kuitwa sarudzo gore rino vari kuchema chema kuti Zanu-PF iri kupindira mune zvematongerwo enyika ichitsigira mapato ari kutonga anoti African National Congress kana kuti ANC yekuSouth Africa, FRELIMO yekuMozambique neBotswana Democratic Party kana kuti BDP.

Musarudzo dziri kuitwa muSouth Africa nhasi, mapato anopikisa ari kupomera ANC mhosva yekuda kushanda neZanu-PF mukuda kubirira sarudzo. Izvi zvakatevera danho reANC rekukumbira Zanu-PF kuti iibatsire kutsvaga rutsigiro.

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa neANC VaCyril Ramaphosa vakati Zanu-PF yaizouya kuzoongorora sarudzo chete kwete kutsvaga rutsigiro kunyangwe vamwe mubato mavo vaiti vaida kubatsirwa kutsvaga rutsigiro.

Munyori mukuru weZanu-PF VaObert Mpofu vainge vamboti vakakokwa neANC kuzoibatsira.Sangano rinoona nezvesarudzo muSouth Africa reIndependent Electoral Commission kana kuti IEC rakazoburitsa mashoko kuvatori venhau kuti Zanu-PF yainge isina kukokwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika Muzvinafundo Ricky Mukonza vanoti ZANU PF yonyangadza zvematongerwo enyika muSouth Africa vanopikisa munyika iyi vachiti yodzidzisa ANC kuba sarudzo.

Vanomiririra bato rinopikisa reRENAMO muMozambique Amai Gloria Salvador vari kupomera Zanu-PF mhosva yekushanda neFRELIMO kuda kubirira musarudzo dzenyika iyi musi wa 9 Gumiguru. Amai Salvador vanoti pane vanhu vemuZimbabwe vari kunyoresa kuti vavhota kuMozambique.

“Hatina huwandu chaiho hwekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunyoresa kuti zvivhote musarudzo” Amai Salvador vaudza Studio 7. “Vatizve, “Asi vanhu vakawanda kwazvo. Takamboyedza kutsvaga huwandu hwevanhu veZimbabwe vari kunyoresa zvikakona n'anga murapwa achida. Asi vanhu vazhinji zvikuru vari kunyoresa.”

Vanoti vari kutyira kuti Zanu-PF ikadyidzana neFRELIMO munyika umu munoitika mhirizhonga yakanyanya munguva yesarudzo.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato guru rinopikisa muBotswana reUmbrella for Democratic Change kana kuti UDC, VaMoeti Mohwasa vari kushora zvikuru sangano rinoona nezvekufambiswa kwesarudzo munyika iyi reIndependent Electoral Commission kana kuti IEC iro rakamboenda kuZimbabwe richisimbaradza kudyidzana neZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC.

ZEC inogara ichipomerwa mhosva yekubirira sarudzo zvemhando yepamusoro muZimbabwe. VaMohwasa vati Zimbabwe ine nhoroondo yekubata sarudzo dzisina kuchena. “Zimbabwe ine nhoroondo yekubira sarudzo kuburikidza nekumbunyikidza kodzero dzevanhu uye inoda kuti izvi zvipararire mudunhu rose.”

Asi sangano reIEC rinoti rakaenda nechinangwa chekudzidza kuti ZEC inobata sei sarudzo. Mukuru munyaya dzezvesarudzo muZEC VaUtoile Silaigwana vakatiwo mamwe masangano anoita zvesarudzo akauya kwavari kuzorodza pfungwa ndeekueLesotho neNamibia.

Nyanzvi munyaya dzezvesarudzo dzinoti dziri kushamisika kuti nyika idzi dziri kunopangwa mazano neZEC sei iyo yakashorwa nemasangano anoti reSouthern African Development Community kana kuti SADC, African Union kana kuti AU, European Union kana kuti EU, America nemasangano anoongorora sarudzo ichinzi yakabika mbodza musarudzo dzakaitwa muZimbabwe gore rapera.

Botswana ichaita sarudzo munaGumiguru wegore rino uye kuenda kuZimbabwe kweIEC kunonzi naVaMohwasa kuchakonzera mutauro musarudzo. Vanoti, “Tsika iri kuitwa neZANU PF itsika yakaipa zvikuru. IEC yakaenda kuZimbabwe kunodzidziswa kubira sarudzo chete. Katsika aka kakaipa zvikuru.”

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vari mukuru musangano reZimbabwe Network for Social Justice VaTendai Rueben Mbofana vaudza Studio7 parunhare vari muKwekwe kuti Zanu-PF inoda kuti mapato akarwira rusungunuko kuti arambe ari panyanga sezvo asingaitsiure.

Asi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZANU PF, VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti bato ravo riri kuzorwa mafuta enguruve yarisina kudya.

Vachitaurawo nevatori venhau pamusangano wemapato akarwira rusununguko muSADC weLiberation Movements’ Indaba kuVictoria Falls VaMarapira vakati ZANU PF yakazvipira kubatsira mapato ari kutonga muSADC. Vakati, “Tine nyika dzine sarudzo gore rino uye tichange tichivapa mazano ekuti vanokunda sei.”

Musangano uyu wakapindwa nevanyori vakuru vemapato anoti Zanu PF, ANC, People’s Movement of Angola, South West Africa’s People’s Organisation kana kuti SWAPO yekuNamibia, BDP, Chama Cha Mapinduzi yekuTanzania neFRELIMO.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG