Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Dzimwe Tsika Dziri Kupa Kuti Varambe Vachimbunyikidzwa


Vamwe vakarema munyika vari kuchema-chema kuti zvimwe zvinoitwa mutsika nemagariro nezvitenderero zvechivanhu zvinoita kuti vasarudzwe uye vasaonekwe sevanhu izvo zvinoita kuti hupenyu hwavo huome.

Dzimwe tsika idzi dzinosanganisira kuti vanhu vane ziso rimwe havabvumirwi kusvika panoitwa masaramusi nekuti anozoonera madzimai uye kuti mudzimai ane mimba akasangana nemunhu akarema anopfira mate kuti asazvare mwana aremara.

Vamwe vemabhizimusi vane pfungwa dzekuti ukauraya munhu ane husope bhizimisi rinokura. Asi tsika iyi inowanzoitwa kuMalawi.

Mutungamiriri wesangano reDisability Amalgamation Community Trust, VaHenry Chivhanga, avo vakaremara gumbo vanoti tsika dzechivanhu idzi dziri kuita kuti vakaremara varambe vachitambura zvikuru mumaruwa.

Vanotungamira sangano rinorwira kodzero dzevane husope reAlbinos Trust Muzvare Agness Gurune vanoti nyaya yekuda kuchekeresa vakaita saiwo inowanzoitika kumaruwa. Vanoti tsika iyi inoifanira kupedzwa nekuti inoisa hupenyu hwavo munjodzi.

Vanotizve panyaya dzehutano pane vamwe vanotenda kuti vakarara nevane husope vane hutachiona hwe HIV/AIDS vanobva vapora izvo zvinoita kuti vabatwe chibharo zvichiisa hupenyu hwavo munjodzi.

Ishe Magudu, VaCover Mugwadi, vekuMasvingo avo vasingaoni vanoti tsika dzechinyakare idzi dzinofanira kuregwa kubudikidza nekuita zvirongwa zvedzidziso.

Mumwe anoita zvetsika dzechivanhu, Amai Tendai Mudavanhu vekuChikomba kuChivhu vatendawo kuti dzimwe tsika dzinokonzera kusagadzikana mumatunhu.

Vamwewo vanorwira kodzero dzevakaremara vakaita saVaBanabas Guta vanoti kunofanirwa kuiswa mitemo yakaoma munyika kuranga vanenge vatyora kodzero dzevakaremara.

Gurukota rebazi rezvemagariro evanhu, VaJuly Moyo, vakaudza vatori venhau kuti hurumende ine mutemo wekuti hapana anofanira kusiiwa kana kusarurwa munyika. Mapurisa anotiwo anosunga vose vanotyora mitemo yenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG