Accessibility links

Breaking News

Vanobatsira Mutongi 'Jurors' Vatanga Kuzeya Kuti VaTrump Vane Mhosva Here Kana Kuti Kwete


VaDonald Trump vari mudare muNew York
VaDonald Trump vari mudare muNew York

Vanhu gumi nevaviri vari kubatsira mutongi kupa mutongo panyaya yevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vatanga kuzeya humbowo hwakapihwa nezvapupu kuti vaone kuti vane mhosva here kana kuti kwete.

Vanhu ava vazeya nyaya iyi kwemaawa mana uye vachadzokazve mudare mangwana.

Vanhu gumi nevaviri ava vanofanira kuti vawirirane kuti VaTrump vabatwe nemhosva uye vose vagari vemuNew York muri kutongerwa nyaya iyi. Vakabatwa nemhosva, mutongi ndiye anozotara chirango kuti voenda kujeri here kana kuti kwete.

VaTrump vari kupomerwa mhosva makumi matatu neina dzine chekuita nekusataura chokwadi pamari dzemitero. Mhosva yoga yoga ine chirango chekugara makore mana mujeri asi mutongi anokwanisa kungovatongera makore mana chete.

VaTrump vanonzi vakabhadhara mumwe mudzimai, Stormy Daniels, mari yevharamuromo kuti asafukure hapwa kuti vainge vaita zvepabonde naye.

VaTrump vanonzi mukuita izvi vanonzi vaida kuti vasafumurwe pamberi pesarudzo yemutungamiri wenyika zvaizoita kuti vakundwe musarudzo.

VaTrump

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice, vaKennedy Masiye, vanoti hapana nguva yakatarwa kuti vanobetsera mutongi vazivise kana VaTrump vane mhosva kana kwete, vachiti zvinogona kutora maawa, kana mazuva, masvondo kana mwedzi mizhinji vasati vapedza basa iri.

VaMasiye vanoti VaTrump, pamwe nevachuchusi, vanogona kudzokera kumatare kana vasingawirirane nezvinenge zvatarwa nedare revanhu gumi nevaviri vari kuzeya nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG