Accessibility links

Breaking News

Vachuchusi veHurumende Voramba Kuti VaNeville Mutsvangwa Vabhadhare Mari yeChibatiso.


VaNeville Mutsvangwa
VaNeville Mutsvangwa

Vachuchusi vehurumende kana kuti National Prosecuting Authority (NPA) vaburitsa mashoko kuvatori venhau nhasi kuti mutongo wekuti VaNeville Mutsvangwa nevamwe vavo vapihwe here kana kuti kwete mukana wekubvisa mari yechibatiso uchapihwa nemusi weChishanu.

Gweta raVaNeville Mutsvangwa, Muzvare Josephine Sande vaudza Studio 7 kuti vachuchusi vehurumende vari kuramba kuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso sevzo vari kuti vakambotiza. Asi vati VaMutsvangwa vari kuti vaitya sezvo mapurisa ainge akapakatira pfuti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMutsvangwa vanova mwana wegurukota rezvemadzimai amai Monica Mutsvangwa vari kupomerwa mhosva yekutengesa mari pamukoto vachityora mutemo weExchange Control Act ne“Money Laundering”. Vakasungwa nevamwe vaviri masvondo matatu adarika.

Forum

XS
SM
MD
LG