Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yodomwa neSwissaid paNyika dzemuAfrica Dziri Pamusoro paHuwori muKubiwa kweGoridhe


Zimbabwe imwe yenyika dzemuAfrica dzinonzi dziri kubiwa goridhe zvakanya.
Zimbabwe imwe yenyika dzemuAfrica dzinonzi dziri kubiwa goridhe zvakanya.

Imwe ongororo yakaitwa nesangano reSwissaid yakanzi, “On The Trail Of African Gold” inoratidza kuti muna 2022, Africa yakarasikirwa negoridhe rinosvika matani mazana mana nemakumi matatu nemashanu kana kuti 435 tonnes rinokosha mari inosvika mabhiriyoni makumi matatu nerimwe emadhora kana kuti US$31 billion nekuda kwehuori.

Goridhe iri rinonzi riri kuendeswa nemukoto kuUnited Arab Emirates.

Panyika dzinonzi ndidzo dziri kurasikirwa negoridhe rakawanda pane Zimbabwe, Mali neIvory Coast.

Aka hakasi kekutanga Zimbabwe ichinzi iri kuita zvehuori munyaya yegoridhe.

Gore rapera, Al Jazeera yakaita imwe tsvakiridzo ikapomerawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa mhosva yekuva nechekuita nekubiwa kwegoridhe munyika.

America yakabva yatemerawo Zimbabwe zvirango gore rino ichiti nyaya dzehuori dziri kuitwa naVaMnangagwa dziri kukonzera kuti nyika yeZimbabwe ive nehurombo hunotyisa.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Doctor Jenfan Muswere vakaudza Studio 7 kuti manyepo kuti VaMnangagwa vanoita zvehuori.

Mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa munyika, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti hapana zvitsva pane zviri kutaurwa negwaro reSwissaid iri sezvo zvinhu zvine humbowo kubva kare kuti zvicherwa zvakawanda kusanganisira iro goridhe, zviri kubiwa kubva muAfrica.

“Chiri kunyanya kundityisa mugwaro reSwissaid ndechekuti vatarisa mineral one, uye vatrarisa nyika imwechete zvekare iri kutora mineral iyoyo. Saka mubvunzo unenge wave kuti ko mamwe ma minerals? Ko dzimwewo nyika dziri kutora goridhe?

"For example, tine nyika dzakaita saana China, nyika dzakaita saanaIndia, dzapindawo zvakare muAfrica vachiti ivo havangarambe vakangopeta maoko dzimwe nyika dzichingodya nekukokota hupfumi hweAfrica,” vanodaro VaMaguwu.

Africa inonzi iri kubirwawo zvimwe zvicherwa zvakawanda zvinosanganisira mangoda, coltan nemafuta, izvo zvinonzi zviri kutengeswawo kunze kuburikidza nehuwori.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG