Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vatendi veUnited Methodist Church Voratidzira Vachiramba Kutambira Ngochani Mukereke


United Methodist Church anti-gay protest
United Methodist Church anti-gay protest

Vamwe vatendi veUnited Methodist Church (UMC) nhasi varatidzira pamuzinda wekereke yavo muHarare vachitsutsumwa nenyaya yekutenderwa kwezvehungochani mukereke yavo.

Sachigaro wevatenderi veUMC munyika pasi pesangano reZimbabwe Episcopal Area, VaJames Kawadza vati varatidzira ava vabva kumativi mana ose enyika uye vange vachida kuti mutungamiri wekereke iyi munyika Bishop Eben Nhiwatiwa vaite musangano wechimbi chimbi kuti vazeye nyaya yengochani inogona kupatsanura kereke iyi zvakare.

VaKawadza vati, “Ngatichitaurei pachedu kuti izvi zvakaitika hatisi kuzvida toita sei, ndogwaro renyunyuto rataunza. “ Vatizve, “Ndozvatiri kungokumbira chete hatina imwe nyaya yatiri kukumbira. Zvicharongwa zvinobuda muhurukuro idzodzo.”

Vaenderera mberi vachiti bhaibheri nemutemo wenyika hazvibvumidze zvechingochani. Vati, “Isu tinonozviziva, chero vemapepanhau vanozviziva kuti munyika muno hazvitenderwi. Vatiwo, “Asi chokwadi chaicho ndechekuti United Methodist yataiziva kare haisisiri iyo yaako.”

Pamusangano wakaitwa mukutanga kwemwedzi uno kuNorth Carolina, muAmerica, vakuru vekereke iyi mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 692 vakavhota kutambira ngochani asi makumi mashanu nemumwe chete kana kuti 51 vachiramba kuti kereke ibvumidze kuropafadzwa kwevafundisi vanoita zvechingochani uyewo kuchatiswa kwevanoita tsika iyi.

Asi zvekuropafadza ngochani izvi zvakanzi zviri mumaoko evakuru vemachechi munyika dzakasiya siyana.

Gakava panyaya yengochani rave nemakore akawanda richiitika mukereke iyi uye pane vamwe vanhu vakatombosungwa vakatorerwa zvigaro mushure mekuratidzira.

Mumwe wevanhu ava ndiAmai Dura Mburundu vepaChinzanga Circuit paMtoko Centre vanoti havatenderane nezvechingochani. Amai Mburundu vati, “Ndozvatiri kurwira nhasi kuti tibude muhungochani muuUnited Methodist yekuAmerica iri kufarira zvengochani.” Vaenderera mberi vachiti, “Tibude tidambure rukuvhute totanga zvitsva zvinoita kuti tizive kuti zvatiri kuita izvi tiri kunamata Mwari kwete kunamata mari. Taakuita kunge tiri kunamata mari tiri kutya vekuAmerica nekuti vane mari.”

Amai Lucy Kawena vepaInner City muHarare vakurudzira kuti kereke izvipatsanure kubva kune yekuAmerica. Vati, “Tinoda kuti tisare nechechi yedu yatisingabatanidze nevanhu vanotenda muchitendo chemangochani”

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuna Bhishop Nhiwatiwa sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Asi vamwe vanoshanda muhofisi yavo vati UMC ichapa divi ravo panhepfenuro yavo yeEbenezer TV.

Mukuru wesangano rinomiriria ngochani munyika reGays and Lesbians Association of Zimbabwe, VaChesterfield Samba vanoti vanofara kuti nhengo dzeUMC dzabvumidzwa kuratidzira asi vakati havaoni danho rakatorwa neGeneral Conference yeUMC richikanganisa svondo iyi munyika nekuti Zimbabwe haina mutemo unobvimidza ngochani kuroorana.

“Nyaya yekuzovarambidza muchechi vanenge vatirasikei pakuti vanhu vatorimo nechakare sevatenderi kana vafundisi saka danho rakatorwa neGeneral Conference harina zvarinoshanda munyika muno zvachose.” VaSamba vauda Studio 7.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, VaConstantine Chiwenga vakashora chingochani vachiti hachipindirane nechitendero chechi Kristu netsika dzevanhu vemuZimbabwe neAfrica.

MuAmerica vatendi veUMC zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana vakabudawo mukereke iyi kubva muna 2019 vachinyunyuta nenyaya yekuropafadzwa kwengochani.

Vatendi vakawanda veUMC muAfrica vanotiwo vari kuronga kubuda mukereke kana tsika yekubvumidza chingochani ikaenderera mberi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG