Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vanogona Kuendeswa Kujeri kweMakore Mana Kana Kunzi Vashande Munharaunda


Trump Hush Money
Trump Hush Money

Vaimbova mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump vabatwa nemhosva makumi matatu neina dzavanga vachipomerwa nedare rekuManhattan, muNew York.

Zvave kumutongi wedare iri VaJuan Merchan kuti vape VaTrump mutongo wavo musi wa 11 Chikunguru.

VaMerchan vanogona kutongera VaTrump kugara mujeri kwemakore mana kana kuti vapihwe charango chekusaenda mujeri. Vanokwanisa kubhadhariswa mari inosvika zviuru zvishanu pamhosva imwe chete.

Mhosva dzange dzichipomerwa VaTrump idzi dzine chekuita nekuti vakanyepa mumagwaro avo emabhizimisi nechinangwa chekuda kuti vakwanise kukunda musarudzo yemutungamiri wenyika muna 2016.

VaTrump vanonzi vakabhadhara mari yevharamuromo kune mumwe mudzimai Storm Daniels anoita zvemafirimu epabonde mushure mekurara naye ivo vakaroora.

Vanobatsira mutongi vari vagari vemuNew York kana kuti ma”jurors” gumi nevaviri vakatanga kuzeya nyaya iyi nezuro ndokuwirirana vose kuti VaTrump vane mhosva.

VaTrump vapinda munhoroonda yekuva mutungamiri wenyika wekutanga weAmerica kutongwa uye kuwanikwa nemhosva nedare.

Asi VaTrump vanokwanisa kupikisa mutongo uyu kusvika kudare repamusoro soro reSupreme Court uye vakagara vavimbisa kuti vachpikisa mutongo uyu vakabatwa nemhosva.

Forum

XS
SM
MD
LG