Accessibility links

Breaking News

VaNeville Mutsvangwa Voburitswa Mujeri, VaKereke Vachidzoserwamo


VaNeville Mutsvangwa
VaNeville Mutsvangwa

Dare repamusoro reHigh Court nhasi rapa mukana wekubvisa mari yechibatiso kumwana wemutauriri webato reZanu PF VaChris Mutsvangwa, negurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa, VaNeville Mutsvangwa pamwe nevamwe vavo kuitira kuti vatongwe vachibva kumba.

Vari kupomerwa nyaya dzinosanganisira kutenga nekutengesa mari pamukoto.

Mutongi wedare, Justice Rodgers Manyangadze, vatura mutongo wekuti VaMutsvangwa nevamwe vavo VaElias Majachani naVaSimbarashe Tichingana vabhadhare chiuru chemadhora ekuAmerica pamhunhu.

Mutongi atiwo vatatu ava vasiye mapasipoti avo kudare pamwe nekuti vange vachizviratidza kumapurisa kaviri pasvondo uye kuti vasavhiringidze vakafazi panyaya iyi.

Gweta revatatu ava, Muzvare Josephine Sande, vanoti vafara nemutongo wapihwa nedare nhasi.

“Ndange ndisiri kuvata ndichiedza kugadzirisa zvinhu, saka ndiri kufara nemutongo wapihwa nedare."

Vatatu ava vanga vapedza masvondo matatu vari mutirongo mushure mekunyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nedare repasi ramajisitireti zvichitevera kusungwa kwavo, vachuchisi vachiti vanotyira kuti VaMutsvangwa vanogona kutiza munyika.

Asi mutongi ati haaone VaMutsvangwa vari munhu angatiza uye hapana humbowo hunovaroverera kuti vakapara mhosva dzavari kupomerwa.

Nezuro dare ramejasitiriti rakatiwo vatatu avo vanofanira kudzoka kudare musi wa14 mwedzi unouya kuti rizonzwa nyaya yavo.

VaMutsvangwa vari kupomerwawo imwe mhosva yekuwanikwa vaine michina yemasaisai eStarlink iyo yange isiri kubvumidzwa kushanda muZimbabwe pavakasungwa.

Starlink yakazopihwa hayo mvumo yekushanda muZimbabwe svondo rapfuura ichishanda yakabatana nekambani yeIMC Communications Limited, iyo inonzi ndeyamuzvinabhizimusi VaWicknell Chivayo.

Mune imwewo nyaya kumatare, dare repamusorosoro reSupreme Court nhasi rapa mutongo wekuti vaimbove chipangamazano chevaive mukuru webhanga guru renyika, VaGideon Gono, VaMunyaradzi Kereke, vadzokere kujeri kunopedzisa mutongo wavo richiti matare epasi akatonga nemazvo nyaya yavo yekubata chibharo mwana aive nemakore gumi nemana.

VaKereke vakabatwa nemhosva muna 2016 vakatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi nemana, makore mana emutongo wavo akaiswa parutivi.

Vakagara mujeri vakazoburitswa mushure mekubhadhara zviuru mazana mashanu zvemadhora emunyika semari yechibatiso vachipikisa kubatwa kwavakaitwa nemhosva pamwe nemutongo wavakapihwa.

Pange pasara mwedzi makumi maviri iyo wave kunopedzisa kujeri.

Mune imwewo nyaya kumatare kwekare, hofisi nemuchuchusi mukuru munyika yeNational Prosecuting Authority yarasa nyaya yevashandi makumi matatu nevashanu veZimbabwe Election Support Network ne Election Resource Centre avo vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuvhiringidza sarudzo dzakaitwa muna Nyamavhuvhu gore rapfuura.

Muchuchusi mukuru wenyika akaudza mutongi wedare kuti haana humbowo panyaya iyi nekudaro inofanira kuraswa.

Vamwe vakaongorora sarudzo idzi uye vari mukuru wesangano rePlatform for Youth and Community Development, VaClaris Madhuku, vaudza Studio 7 kuti vashandi veZESN neERC ava vange vasina mhosva uye vange vasingatofaniri kusungwa.

Handioni zvichifanira kuti masangano akazvimirira asvike pakusungwa. Ndinofunga kuti ava vagara vasina mhosva uye zvaonekwa izvi ndinotenderana nazvo uye hurumende yedu inofanira kunge ichifarira kuti masangano akazvimirira ashande basa rawo nguva yesarudzo ivo vodzidza kubva kwaari.”

Vaenderera mberi vachiti masangano anoshand akazvimirira anofanira kubvumidzzwa kuongorora sarudzo pachena vachiti izvi zvinochenesawo sarudzo dzenyika.

“Kana sarudzo ichiitwa tinoda vanhu vanoongorora kuti zvikwanise kubatsira kuti nyika ienderere mberi. "

Chimwe chikwata chebato guru rakakwikwidza musarudzo idzi, reCitizens Coalition for Change pamwechete nevaive mutungamirwa webato iri, Advocate Nelson Chamisa, vanoti sarudzo dzegore rapera idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Masangano akawanda akaongorora sarudzo idzi kusanganisira SADC, African Union, European Union akatiwo sarudzo idzi hadzina kufambiswa zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG