Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotadza Kubhadhara Varimi Mari Yavakatengesa Donje


Vamwe varimi vanoti havasati vabhadharwa mari dzavo dzegoho redonje ravakaendesa kukambani yehurumende yeCottco gore rapera kunyangwe vave kutanga kutengesa rimwe mangwana.

Kambani yeCotco iri kutatarika kubhadhara varimi vedonje mari inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana matanhatu yemadhora ekuAmerica kana kuti US$2.65 million uye imwe yemari yemunyika inosvika mamiriyoni maviri nezviuru mazana masere kana kuti 2.8 million Zig.

Mumwe murimi wedonje kuSanyati, mudunhu reMashonaland West, VaGilbert Mambondiani vanoti vakatotadza kubhadhara vanhu vakavabatsira kunhonga donje nekuda kwekunonoka kubhadharwa. “Kusvika nanhasi handisati ndabhadhara vanhu vakandibatsira kunhonga cotton yangu nekuti Cotco haisati yandibhadharawo” VaMambondiani vanotsanangura.

Vanorimawo donje vari kuMasvingo VaJeremiah Matope vanoti havachazive kuti vachabhadharwa sei sezvo Reserve Bank of Zimbabwe yakaparura mari itsva gore rino. VaMatope vati, “Ndine mari yemabhero makumi maviri isati yabhadharwa, iko zvino kunyange ikanzi inobhadharwa handizive kuti ndichapuhwa iri mari sezvo iye zvino kwave nemaZiG."

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Farmers Union kana kuti ZFU VaPaul Zachariah vanoti munyika maita dambudziko rekuti varimi vose havasi kubhadharwa zvakafanira uye nenguva izvo zviri kudzosera bhizinisi rekurima kumashure.

“Bhizinisi rekurima kuti ribudirire murimi anofanirwa kubhadharwa mubhadharo wakafanira mbesa yake yaarima uye achibhadharwa nguva iripo uye achibhadharwa zvakazara” VaZachariah vanotsanangura.

VaZachariah vanoti kambani inotenga donje yeCotco iri kuti haisati yave nemari. Vaenderera mberi vachiti, “Vanotiudza kuti mari dzavanobhadhara varimi dzinobva kumabhangi avo uye chiri chikwereti zvinova zviri kuita kuti vatadze kubhadhara varimi”

Patabvunza kuti sei varimi vasinganotengesa donje kune mamwe makambani asiri Cotco, VaZachariah vanoti zvinonetsa sezvo inovapa zvikwanisiro zvekurimisa.

Sachigaro werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Intergrated Farmers Union, Amai Mayiwepi Jiti vanoti pamusangano wavakaita nehurumende vakawirirana kuti varimi vabhadharwe nenguva.

“Pakawiriranwa kuti varimi vedonje vose vanofanirwa kubhadharwa mari yavo yemwaka wakapfuura vasati vaendesa donje remwaka uno” Amai Jiti vanozivisa.

Amai Jiti vanoti pamusangano uyu pakabvumiranwawo kuti varimi vabhadharwe mari dzavo mukati memazuva maviri vaendesa donje kuCottco.

“Pakaita wirirano yekuti varimi vanofanirwa kupihwa mubairo wavo sekeshi mukati memazuva maviri vaendesa donje gore rino” Amai Jiti vanotsanangura.

Mukuru munyaya dzezvekufambiswa mashoko muCotco Amai Constance Makoni-Thondlana, vanoti pari zvino havana chekutaura nezvenayay iyi.

Dunhu reMasvingo ndiro rine varimi vedonje vakawanda vasati vabhadharwa vanova mazana masere nemakumi mapfumbamwe nevaviri kana kuti 892, kuchitevera Mashonaland West ine varimi mazana masere nemakumi matatu kana kuti 830.

Gore rapera Zimbabwe yakakohwa matani zviuru makumu mapfumbamwe. Asi kare yaisimborima matani zviuru mazana matatu nemakumi mashanu nerimwe kana kuti 351 000 tonnes.

Donje riri kutengeswa riri kuramba richiita shoma nekuda kwemvura iri kurambira mudenga uye kusabhadharwa nenguva kwevarimi kwemakore akawanda.

Hurumende yakazivisa kuti donje remhando yepamusoro kana kuti Grade A richange richitengwa nemasenzi makumi mana nemaviri kana kuti US$0.42 uye repasipasi, Grade D, rinenge richitengwa nemasenzi makumi matatu nematatu kana kuti US$0.33.

Asi vamwe varimi vakaita saVaChristopher Murove vekuMashonaland East, vanoti mairi iyi ishoma zvikuru. VaMurove vati,
“Mutengo uyu haufadze murimi nekuti hauna purofiti”VaMurove vanotsutsumwa.

Donje riri kutanga kutengeswa mangwana kusvika musi wa30 Chikumi.
Gore rino, varimi vari kutengerwa donje ravo nezvikamu makumi manomwe nechidimu kubva muzana kana kuti 75% iri mumadhora ekuAmerica, zvikamu makumi maviri nechidimu kana kuti 25% kubva muzana iri mumadhora emunyika kana kuti maZiG.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG