Accessibility links

Breaking News

Nzvimbo Dzinoitirwa zveMitambo (Theater) Dzotatarika Nekusamira Zvakanaka kweHupfumi


Kusamira zvakanaka kwehupfumi kunonzi kwave kupa kuti nzvimbo dzakawanda dzinoitirwa mitambo kana kuti theater dzigume dzave matongo kana kuti kuitirwa zvimwe zvinhu zvadzisina kuvakirwa.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muMasvingo Theatre and Arts Club iyo inotungamira zvirongwa paCharles Austin Theatre, VaEmmanuel Sakala vaudza Studio 7 kuti vanopa nzvimbo yavo kune vedzisvondo nevamwewo vane zvirongwa zvakasiyanasiyana kuti vakwanise kuchengetedza nzvimbo yavo sezvo zvemitambo zvisisabhadhare.

Mushandi mukuru paCourtauld Theatre kwaMutare VaHenry Tsopotsa vanoti vachiri kuita hazvo zvemitambo. Asi nekuda kwekuti hazvisi kuunza mari yakawanda, vave kuitawo zvimwe zvakasiyana siyana.

Nyanzvi inoongorora nezvemitambo vachitungamira sangano rePikicha Afrika VaIgi Matope vanoti kusamira zvakanaka kwehupfumi ndiko kuri kupa kuti zvemitambo zviite manyama amire nerongo.

Asi munyori anoongororawo nezvemitambo achishanda neIntwasa Arts Festival kuBulawayo Raisedon Baya anoti masangano anoita zvemitambo anogona kuwana cheuviri chete kana akakwanisa kugadzira zvirongwa zvemhando yepamusoro izvo zvinozokwezva veruzhinji.

Vachitaura neStudio 7, nhengo yebhodhi reNational Arts Council of Zimbabwe inoona nezvekufambiswa kwezvirongwa VaMarcus Gora vanoti sangano ravo rakatonzwa zvichemo zveveruzhinji vanoita zvemitambo vakati zvakakosha kuti paumbwe homwe yekubatsira vanoita zvemitambo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemitamo Muzvare Kirtsy Coventry kana munyori mukuru mubazi ravo VaNicolas Moyo sezvo vange vasingadaire nharembozha dzavo. Asi mutungamiri wenyika VaEmmmerson Mnangagwa nemakurukota avo vave nemakore vachivimbisa kubatsira vanoita zvemitambo asi pasina chiri kubuda.

Dzimwe dzenzvimbo dzakaita mukurumbira munyika nemudunhu rekuchamhembe kweAfrica panyaya dzemitambo dzinosanganisira Reps Theatre muHarare yakavambwa muna 1931, Bulawayo Theatre yakavambwa muna 1936 ndokuzotanga kushanda muna 1961 pamwe neCharles Austin Theatre yekuMasvingo iyo yakavambwawo muna 1974.

Kunyangwe paine mhute munyika panyaya dzemitambo, mumwe anoita zvemitambo achityora vanhu mbabvu nekuseka, Learnmore Jonasi weku Chimanimani uyo avekugara kuAmerica akasimudza mureza wenyika kumakwikwi epamusoro soro eAmerica’s Got Talent apo akapihwa tikiti repamusoro soro kana kuti Golden Buzzer kuti apinda muchikamu chinotevera chemakwikwi aya. Anokunda mumakundano aya anopihwa miriyoni imwe chete yemadhora ekuAmerica uye kuwana mukana wekuita mitambo kuLas Vegas.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG