Accessibility links

Breaking News

VaTrump naVaBiden Vanowirirana Kuti America Inoda Mauto Akasimba


Vari kukwikwidza musaudzo yemutungamiri weAmerica, VaJoe Biden naVaDonald Trump vose vanoti America inoda kusimbaradza mauto kuita kudzivirira nyika. VaBiden vanoti America ine mauto akasimba ikozvino. Asi VaTrump vanoti VaBiden vatopa kuti simba remauto riderere pane zvavakasiya zviripo.

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, vakaudza vadzidzi vakapedza zvidzidzo zvepamusoro pachikoro chemauto, che U.S. Military Academy, paWest Point, muNew York, kuti America haingotumire mauto kuenda kuhondo chero kwaita kunetsana. VaBiden, “Parizvino, mauto eAmerica ari kutsigira vanhu veUkraine vakashinga mukurwira rusununguko rwavo.” Vatizve, “Mauto edu ari kushanda siku nesikati vachishandisa dzimotikari, ngarava kana ndege kuona kuti vanhu ve,uUkraine vawana zvombo zvavanoda.”

Kuzvipira kweAmerica kunosanganisaravo munyika dziri muMiddle East. VaBiden vanoti, “Mauto emuchadenga eAmerica anodonhedza zviuru nezviuru zvechikafu kubatsira vanhu vari muGaza.” Vatiwo, “Pakarwiswa Israel nenyika yeIran, takaunganidza madzisahwira edu, kusanganisa vemunyika dzechi Arab, tikadzivirira Israel.”

Ukuwo, VaTrump vanoti VaBiden vari kuendesa America kumawere , vachiti, “Nyika yedu iri kunyadziswa zvakaipa. Apa tine mutungamiri, Joe Biden, ari kuda kutiendesa kuhondo yenyika dzepasi rose yechitatu. Izvi ndizvo zviri kuitika.”

VaTrump vanoti VaBiden havafaniri kukwezva hondo pakati peAmerica neRussia kana China, vachivimbisa kushandisa mauto eAmerica nenzira inoisa zvido zveAmerica mberi mukudyidzana nedzimwe nyika, vachiti, “Ndichaudza nyika dzeku Europe kuti dzibhadhare America mari yayakashandisa mukutengera Ukraine zvombo, zvinova zvinhu zvavanofanirwa kuve vachiita izvozvi asi Joe Biden anotya kubvunza nezvemari iyi.”

VaBiden vanoti mauto eAmerica ari kusimbisa hukama hwavo nemadzisahwira uayo achisimudzira mabasa ekuzvidzivrira vachiti. VaBiden, “Kuchengetedza zvinokosha kwatiri tichirwisana nevanoita zvehumbimbindoga, kuchengetedza rugare, rusununguko nekuita zvinhu pachena ndizvo zvatiri kuita.” Vakatizve, “Tinotenda mauto eAmerica kuti tiri kuita zvinongoitwa neAmerica chete senyika ine mauto emhando yepamusorosoro, seiyo nyika inesimba kupfuura dzimwe nyika pasi pano uye iri nyika inotungamira dzimwe nyika muhutongo hwejekerere pasi rose.”

Bazi rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, kana kuti U.S. Defense Department, rinoti mugore ra 2023, rakakundikana kusvika pahuwandu hunodiwa hwevanopinda muchiuto. Vakatadza kusvika pachikamu chavanoda nemauto matsva zviuru makumi mana.

VaTrump vanoti izvi zvinokonzerwa nemitemo yaVaBiden inombunyikidza mauto. Vanoti, “Ndichadzora chiremera chagara chichipihwa mauto eAmerica uye tinenge tisingabvumidzi vanoita zvegutsaruzhinji vanoda zveCommunism kana Marxism.” Vanoenderera mberi vachiti, Tichavabvisa vose.”

Asi vakuru vechiuto vanoti pane zvakawanda zvinopa kuti vechidiki zvikuru vakaberekwa mumakorew ari pakati pemakore a1997 na2012 vasade kupinda muchiuto. Vanoti izvi zvinosanganisira hupfumi hwenyika hwakamira pari nani unopa vechidiki mikana yakawanda uye kusanyatsogutsikana nemashandiro emapazi ehurumende akaita seechiuto.

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns VOA. Maiverengerwa neni Tanonoka Whande VOA News, Washington DC

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG