Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoshorwa neKuda Kuvandudza Mutemo Kuti Iomesere Masangano Akazvimirira Oga


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Pane kukakavadzana kukuru kuri kuitika pamusoro pedanho rekuda kuvandudza mutemo unobata mashandiro emasangano akazvimirira wePrivate Voluntary Organizations Act- hurumende ichiti zvakanaka kuti mutemo uyu uvandudzwe, asi vemapato anopikisa pamwe nevanotungamira mamwe emasangano anoshanda alazvimirira vachiti kuvandudza mutemo nenzira iri kuda kuitwa nehurumende kunotyora kodzero dzevanhu, uye kumbunyikidza gwara regutsaruzhinji.

Svondo rapera, mapuritsa anodzivirira mhirizhonga akadaidzwa kuti achengetedze runyararo mushure mekunge paita kusawirirana kunotyisa pakati pevanhu vari kupikisa nevari kutsgiira kuvandudzwa kwemutemo unotara mashandiro emasangano akavimirira. Izvi zvakaitika apo komiti yeparamende inoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu, yainzwa kubva kuvanhu kuti vanofungei pamusoro pebhiri rekuvandudza mutemo wePrivate Voluntary Organizations Act.

Munyori mubazi rinoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu, iro rinopa masangano anoshanda akazvimirira mvumo yekushanda munyika, VaSimon Masanga, vanoti chinhu chakanaka zvikuru kuti mutemo uyo uvandudzwe.

Asi mumwe wevanofunga kuti kana mutemo wePVO Act ukavandudzwa uchadzvanyirira masangano anoshanda akazvimirira, ndiVaRashid Mahiya, sachigaro wemubatanidzwa wemasangano reCrisis in Zimbabwe Coalition.

Mutauriri wechimwe chikwata cheCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkhwananzi, vanoti dambudziko rekudzvanyirirwa kweveruzhinji nehurumende yeZanu PF kuchishandiswa mitemo, rakatangira pakapembedzwa kubvuta masimba kwakaitwa nemauto muna 2017.

Asi mukuru anoona nezvekubuditswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaFarai Marapira, vanoti kuvandudzwa kwePVO Act kuchaisa pachena masangano anga achinyepedzera kushandira veruzhinji.

Zvimwe zviri kunzi zvichinjwe pamashandiro emasangano akazvimirira ndezvekuti masangano aya achange ava kuongororwa zvakanyanya nebazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu.

Kana pakaita masangano anoonekwa sekuti haasi kushanda sezvinotarisirwa nehurumende, bazi iri rinenge rava nesimba rekuaripisa, kana kumbomisa basa vakuru vemasangano aya.

Mutauriri weResidents Association Coalition for Electoral Reforms, VaMarvelous Khumalo, vaudza Studio 7 kuti kana bhiri rePVO rikapasiswa, vagari vanga vachibatsirwa nemasangano anoshanda akazvimirira vachasiiwa vari panguva yakaoma.

Gweta, uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande, vanoti kushandurwa kwemutemo uyu kwakanangana nemasangano anoshanda akazvimirira munyaya dzezvematongerwo enyika.

Asi mumwe anoongorora zvematongerwo enyika, uye vari mutungamiri wesangano rinoshanda rakazvimirira, reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti pamberi nekuvandudza mutemo wePrivate Voluntary Organizations Act.

Zviri kubuda mumisangano iyi zviri kuratidza kuti vanhu vanotsigira Zanu PF ndivo vari apmberi mukutsigira hurongwa hwekuda kuvandudza mutemo uyu, ukuwo vanorwira kodzero dzevanhu pamwe nevemapato anopikisa vachiti mutemo uyu ngausiyiwe uri zvauri pari zvino.

Vakawanda vanoti vari kutarisira kuti komiti yeparamende iri kutungamirira hurongwa uhu ichazivisa hurumende chokwadi chichabuda muvanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG