Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutungamiri weCCC, VaChamisa, Vanoti VaMurisi Zwizwai Vaive Gamba muKurwirwa Hutongo hweJekerere


Vaimbove mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vachisvika kurufu rwaVaMurisi Zwizwai.
Vaimbove mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa vachisvika kurufu rwaVaMurisi Zwizwai.

Vaimbove mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, Va Nelson Chamisa, nhasi vatura mashoko enyaradzo kumhuri yaSeneta Murisi Zwizwai avo vakashaya nemusi weMugovera vachiti VaZwizwai munhu anofanira kuremekedzwa zvikuru nebasa ravakaita pahondo yekurwira hutongi hwejekerere muZimbabwe.

Vachinyaradza mhuri yaVaZwizwai kumba kwavo muHarare nhasi, VaChamisa vati VaZwizwai vakabata basa guru mubato ravo pamwe nehurumende kuitira kuti vanhu vagare zvekanaka munyika nekudaro vanofanirwa kuremekedzwa.

“Ngatinyaradzei gamba redu. Hamadzangu vematongerwo enyika, ngatibatei gamba redu. Mapato ese tipe ruremekedzokugamba redu iri nemashandire atakaita naVaZwizwai.”

VaChamisa vatiwo vakashanda naVaZwizwai kubvira pakuumbwa bato reMDC muna 1999 vkaati mufi aida kuti munyika muve nehutongo hwejekerere.

Vaenderera mberi vachiti kunyange hazvo vakazofamba nzira dzakasiyana vanoremekedza basa guru ravakaita.

“Ndinozviziva kuti munhu aida kushandira nyika uye kuti vazenge vave kuSeneti nekuda kwezvakadai izvozvo hazvina mhaka izvo, hatirisi izvozvo isu totarisa pakabata munhu zvakanaka.Vanenge vachida kurekedza VaZwizwai nekuenda kuSeneti kwavakaita vane kodzero vane mvumo. Asi isu murume uyu takabva naye kure," vatsananguva VaChamisa.

VaZwizwai avo vakamirira MDC mudunhu reHarare Central kwenguva yakareba, ndemumwe wevanhu vakaumba CCC naVaChamisa.

Kunyange hazvo vakakundikana musarudzo dzekumirira bato iri musarudzo dzegore rapfuura, VaZwizwai vakashaya vari Seneta mushure mekudomwa kuve nhengo yedare iri naVaSengezo Tshabangu, avo vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru we CCC.

VaMurisi Zwizwai vakambomirira Harare Central.
VaMurisi Zwizwai vakambomirira Harare Central.

Mumwe akashanda naVaZwizwai, Seneta Moses Manyengavana, vati paramende nebato reCCC zvarasikirwa zvikuru nekuti VaZwizwai munhu aibatanidza vanhu.

“VaZwizwai vaitibatsira kuti tive nechiona chimwe chete semusangano saka tarwadziwa zvakanyanya. Tinoti kuvanhu veZimbabwe ngatichemei tine tariro. VaZwizwai zvavakasiya ticharamba tichienderera mberi tichirwa kusvika Zimbabwe yasununguka.”

Vaimbove nhengo yeNational Assembly uye vakashanda naVaZwizwai kwekunguva yakareba, Amai Joice Java vati vakabatsirwa zvikuru navaZwizwai.

“Munhu wekuti dzimwe nguva unodakuita gakava muparamende womuti ndibatsireiwo panyaya yandiri kuda kusimudza mudare, vaikubatsira yobva yabuda zvakanaka uye kunyange ukaita dambudziko ringave rekumba chairo vaikubatsira.”

Vanokokera nhengo dzeZanu PF mupararamende, VaPupurai Togarepi, vatsanagura VaZwizwai semunhu ange ave kuziva basa uye aishandika naye.

“Zvaiva zvakanaka kuti vanotanga iko zvino nemaMPs vadzidze kubva kuvanhu vane ruzivo rwekuti basa reparamende rinofanofambiswa sei saka tine hurombo zvikuru nekurasikirwa nemumwe wedu. Tinoshuvira mhuri yavo kuti Mwari unovanyaradza mukuchengetwa kwavo kuti basa racho rifambe zvakanaka."

VaZwizwai vanga vari nhengo yedare reSeneti.
VaZwizwai vanga vari nhengo yedare reSeneti.

VaTogarepi vati nhengo dzeparamende sezvadzinoita nguva dzese dzichabatsira pakuradzikwa kwemutumbi waVaZwizwai neChipiri.

Vachitaura vakamirira mhuri mukoma waVaZwizwai, VaMichail Muchengeti, vati mufi munhu aibatanidza nekusimudzira zvekuti mhuri yarasikirwa zvakanyanya.

“Tarasikirwa kwete isu toga asi nenyika pamwe nenharaunda yaigara.”

VaZwizwai vakashaya nemusi weMugovera mangwanani uye vasiya mudzimai nevana vanomwe.

VaZwizwai vakaitwa mutevedzeri wegorukota rezvemigodhi munguva yehurumende yemubatanidzwa kubva muna 2009 kusvika muna 2013

Mutumbi wavo ucharadzikwa kumarinda eGlen Forest muHarare, neChipiri masikati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG