Accessibility links

Breaking News

Kusagadzikana kwePfungwa Mune Mamwe Madzimai Achangobva Kusununguka Kunonzi Kunogona Kukonzera Kuparwa kweDzimhosva


Madzimai achangobva kusununguka anonzi anoita dambudziko rekusagadzikana kwepfungwa.
Madzimai achangobva kusununguka anonzi anoita dambudziko rekusagadzikana kwepfungwa.

Nyanzvi yezvehutano hwepfungwa vari zvakare mukure wechipatara chevarwere vepfungwa cheIngutsheni Mental Hospital chiri kuBulawayo, Dr. Nemache Mawere, vanoti dzimwe mhosva dzinoparwa nemadzimai anenge achangobva kunosununguka dzinokonzerwa nekusagadzikana kwepfungwa pamazuva avanenge vachangobatsirwa.

Dr. Mawere vanoti madzimai anosangana nechirwere chinonzi muChirungu post natal depression akawanda chaizvo uye vanodoma zvimwe zvezvinokonzera kuti vanamai ava vadzamise pfungwa kana vasununguka vana, vachiti chirwere ichi chinogona kubatawo varume.

Vaendera mberi vachiti zvinovashungurudza zvikuru kuona vanhukadzi vanovharirwa mumajeri nemhosva yekurasa vana kana kuti baby dumping nokuti vazhinji vacho vanenge vachida kutobatsirwa nemachiremba.

Dr. Mawere vanoti kurwadziwawo kunoita madzimai pavanenge vachisununguka kunovhiringidzawo pfungwa dzavo.

Mukuru wesangano reWomen's Action Group, Amai Edna Masiiwa, vatsinhirawo vachiti vanosangana nenyaya dzakadai mubasa ravo rokurwira kodzero dzemadzimai, uye vaendera mberi vachiti hama dzemadzimai aya dzinofanira kubatsira vazvere ava kuti pfungwa dzavo dzidzoredzane panzvimbo.

Chipatara chevarwere vepfungwa cheIngutsheni Central.
Chipatara chevarwere vepfungwa cheIngutsheni Central.

Nyanzvi yezvehutano hwepfungwa uye vari mukuru wesangano reZimbabwe National Association for Mental Health, kana kuti ZimNamh, Dr. Ignatius Murambidzi, vakatsinhirawo vachiti vanhu vakawanda havanzwisise nezvenyaya dzemadzimai anoshungurudzika mushure mokunge asununguka, izvo zvinozoita kuti arware havo muchinyararire.

Dr. Murambidzi vanoti huwandu hwevanhu vari kurwara nepfungwa hwakwira chaizvo munyika, zvichionekwa nekuzara kwakaita zvipatara zvinochengeta varwere vepfungwa.

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe Association for Human Rights, ZADHR, mugore 2019 yakaona kuti nyika ino yaiva nenyanzvi dzinorapa matenda epfungwa makumi maviri chete, 20, ayo anotarisirwa kurapa mhomho yevanhu mamirioni gumi nematanhatu kana kuti 16 million munyika.

Chero hazvo dambudziko rezvirwere zvepfungwa ririkukura gore negore, sangano re ZADHR rinoti hapana zviri kunyanya kuchinja nokuti vanachiremba ava vanongoshandira zvipatara zvemumadhorobha chete zvichisiya varapwi vekumaruwa pachena.

Kunyangwe dambudziko rechirwere ichi richibata madzimai akawanda, nyanzvi pasi rose dzichiri kuyedza kuita tsvakiridzo pamusoro pechirwere ichi.

Bazi rinoona nezvemishonga muAmerica, reFood and Drug Administration, kana kuti FDA, rakapa mvumo yekushandiswa kwepiritsi rekutanga kurapa chirwere che post partum rinonzi zuranolone muna Nyamavhuvhu 2023.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vakadzi ndivo vakawanda vanonyanya kubatwa nechirwere che depression uye rinotsigirawo zvakare kuti kusagadzikana kwepfungwa uku ndiko kunozoguma munhu azviuraya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG