Accessibility links

Breaking News

VeChidiki muNyika Vanoti Pane Zvakawanda zveKudzidza Kubva kuSouth Africa paNyaya yeSarudzo


Vechidiki vakawanda vanoti pane zvidzidzo zvakawanda zvavawana kubva musarudzo dzakaitwa munyika yeSouth Africa, zvinogona kuvabtsirawo apo pachaitwa sarudzo muZimbabwe mugore ra2028.

Vechidiki vemuSouth Africa vagara vaine nhoroondo yekurwira kodzero dzavo. Izvi zvakaonekwa muna 1976 apo vakaita chimurenga kana kuti Soweto Uprising apo vaishora hutongi hwerusaruraganda. Kuratidzira uku kwakabva kwawedzera mwando pahondo yekurwisa vachena vainge vakapamba nyika kusvika yawana kuzvitonga kuzere muna 1994.

Iko zvino, vechidiki vari kuenderera mberi nekurwira kodzero dzavo kuburikidza nevhoti. Muna 2015 vechidiki ava vakaratidzira nyika yose vachiti mari yechikoro idzikiswe kana kuti “Fees Must Fall” Havana kugumira apa sezvo vamwe vavo vakabva vapinda musarudzo vachikwikwidza vakamirira ANC, DA, IFF nemamwe mapato.

Sarudzo dzekuSouth Africa dzakaona vechidiki vanodarika miriyoni imwechete nezviuru mazana matanhatu vachinyoresa kuti vavhote kekutanga muhupenyu hwavo.

Kunyange vasina havo kuzonyanya kubuda nehuwandu hwaitarisirwa kunovhota, vakakwanisa kuva nesimba rekusarudza vamiriri veparamende vakakunda.

Mukuru wekufambiswa kwezvirongwa musangano revechidiki reProject Vote 263, VaTafadzwa Mavunga, vanoti zvizhinji zvinogona kudzidzwa nevechidiki, uyewo neZimbabwe kana kuchitariswa sarudzo dziri kuitwa kuSouth Africa.

“Chekutanga ndechekuti vechidiki vakabuda nehuwandu hwavo kunozvisarudzira vanhu vavanoda kuti vavatungamirire."

Vatiwo, "Zvinoratidza kuti sevechidiki vakawanda munyika zhinji dzemuAfrica, zvakakosha kugadzira remangwana redu toga. Chimwe ndechekuti vechidiki ava vakakwanisa kunyoresa kuvhota zviri nyore, zvakakonzerwa nechikamu chinoona nezvesarudzo muSouth Africa, cheElectoral Commission of South Africa. Dai ZEC yadzidzawo kubva kukomisheni iyi.”

Wechidiki anogara muHarare, Rumbidzai Mpofu, anoti haawirirani nemuono une vamwe wekuti nyika yeSouth Africa ine hutongi kwejekerere kudarika Zimbabwe, zvakaita kuti vechidiki vekunyika iyi vabude nehuwandu kunovhota.

“Hutongi hwejekerere huriko kwese nekuti mukatarisa pakapinda VaMnangagwa pakutonga, munhu wese anotaura zvaanoda, uye akasununguka." Muzvare Mpofu vatiwo, "Chero pamadandemutande akafanana neX, inga vanhu vanongotaura zvavanofunga pasina kumbunyikidzwa. Saka democracy iriko kunyika dzose dziri mbiri.”

Asi hurumende yeZimbabwe ine nhoroondo yekusunga vanotaura zvaisingadi paX.

Mumwewo wechidiki wemuHarare zvekare, Peter Matangi, anoti sarudzo dzekuSouth Africa dzakabudirira nekuda kwekubatirana pamwechete kwemapato ezvematongerwo enyika emunyika umu.

“Mapato aya anobatirana pamwechete kunyange vaine miono yakasiyana. Zvasiyana nemuno patinoona mamwe mapato achidyidzana nenyika dziri kunze, kuti dzive nechekuita nesarudzo dzedu." VaMtangi vati, "Chimwewo ndechekuti tine mapato emuno anoenda kusarudzo aine maResults nechekare.”

Vavhoti vanodarika chipimo chemakumi mana kubva muzana (42%), vanonzi nekomisheni inoona nezvesarudzo muSouth Africa, yeElectoral Independent Commission of South Africa, vaive vari pasi pemakore makumi mana. Vechidiki vemuzvikoro zvedzidzo yepamusorosoro, vanonzi vakabudawo nehuwandu kunovhota- vachinyunyuta pamusoro pekushaikwa kwemabasa, kukwira kwemitemgo yezvinhu uyewo kudzimwa dzimwa kwemagetsi munyika iyi.

Mumwe wechidiki wekuNorton, Isabel Maunganidze, anoti zvakubuda musarudzo dzekuSouth Africa zvinofanira kupa chivimbo kune vechidiki vemuZimbabwe.

“Zvaita zvakanaka kuti bato reANC rakatadza kukunda zvine mutsindo musarudzo dzadarika. Zvinopawo vechidiki vemuno mukana wekuona kuti mapato akarwa hondo yerusununguko anokundika, tichiedza zvimwe. " Muzvare Maunganidze, "Vechidiki vemunyika dzemuSADC vanofanira kusunga dzisimbe kuti hupenyu hwavo huve nani.”

Studio 7 yaedza kubata gurukota rebazi revechidiki, VaTino Machakaire, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi, asi vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Mukuru wesangano rinoshanda nevechidiki munyaya dzezvematongerwo enyika, re 4-H Zimbabwe, VaJohn Muchenje, vaudzawo Studio 7 zvakakoshera kuti vechidiki vavhote.

“Tinofanira kubuda tichinosarudza vatungamiri vedu, kwete kungotaura panzvimbo dzakaita seX, asi musi wekuvhota tongogara mudzimba." Vatiwo, "Nyayawo yekuvhota haitangiri pamusi wekunoisa X, asi kunyoresa kuvhota chaiko, izvo zvatinokurudzira vechidiki kuti vaite. Tinoti makorokoto kuSouth Africa nekuita sarudzo dzine runyararo, dzinoyemurika.”

Asi vamwe vechidiki vemuno vanoti musiyano mukuru pakati pemaitirwo esarudzo dzemuno nedzekuSouth Africa, ndewekut nyika iyi inoremekedza zvinenge zvabuda musarudzo, ukuwo muno muine mukurumbira wekubirirwa kwesarudzo. Asi vesangano rinoona nezvesarudzo veZimbbwe Electoral Commission vanoramba kuti sarudzo dzinobirirwa zvemhando yepamusoro soro.

Musarudzo dzakaitwa neChitatu chadarika, bato riri kutonga muSouth Africa reANC, rakakundikana kekutanga kubva muna1994, kuwana zvigaro zvinodiwa mudare reNational Assembly, kuti vakwanise kusarudza mutungamiri wenyika kubva kubato ravo zviri nyore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG