Accessibility links

Breaking News

Poita Gakava muNyika Rekuti RBZ Yoburitsa Here Kana Kuti Kwete Mari Hombe yeZiG


Hurumende inonzi iri kutya kuti yakaburitsa mari hombe yeZiG zvinogona kuunza inflation.
Hurumende inonzi iri kutya kuti yakaburitsa mari hombe yeZiG zvinogona kuunza inflation.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kutsigira danho rakaziviswa nagavhuna vebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mushayavanhu, rekuti vachambomira kuburitsa mari yeZiG hombe yeZiG 50 neZiG 200 senzira yekudzivirira kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation.

Nyanzvi idzi dziri kuti kumbomira kuburitsa mari hombe idzi kunobatsira kuti veruzhinji vasamanikidzirwa kutenga zvinhu nemitengo iri pamusoro vezvitoro vachiti havana chenji uye vamwe vezvitoro vanenge vave kuramba kutambira mari diki sezvaimboitika munguva dzadarika.

Asi dzimwewo nyanzvi ndidzo dziri kuti inflation haikonzerwi nekukura kwemari iri kutenderera munyika, asi kuti nemitemo inenge yakadzikwa nehurumende, nekudaro hapana chikonzero chekuti RBZ irambire nemari hombe idzi.

Vachitaura kumusangano wepagore wakaitwa nevemigodhi nemusi weChina chadarik kuVictoria Falls, weChamber of Mines of Zimbabwe 2024, Doctor Mushayavanhu vakati chingatoitwa nebhanga guru kuona kuti rawedzera mari diki mumusika kuitira kugadzirisa dambudziko rechenji.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano cheRBZ, VaPersistence Gwanyanya, vanoti zviri kutaurwa nagavhuna VaMushayavanhu ndezvekuti zvinofamba nehurongwa hwazvo zvekuiswa kwemari yema ZiG munyika vachiti veruzhinji vaichemera mari diki nekuti vezvitoro vainge vachikwidza mitengo vachizoti havana chenji.

Imwewo nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Muzvare Happiness Zengeni, vanotsigira zviri kutaurwa naVaGwanyanya vachitiwo iri idanho rakanangana nekuti ZiG irambe iine simba kuburikidza nekuisa shoma shoma mumusika kuitira kuti musika usazvimbirwa.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuve nemari hombe iri kushanda munyika hakufanirwe kukonzeresa kukwira kwemitengo yezvinhu kana inflation.

Doctor Chitambara vanoti kune dzimwe nyika dzakaita seJapan dzine mari hombe inosvika ku 10 000 Japanese Yen, asi dziine hupfumi huri nani pane hweZimbabwe.

Asi vanoti zvavo zviviri zvakanyanya kukosha ndezvekuti hurumende isadhinda mari yakanyanya kuwandisa sezvaisimboonekwa zvichiitika mumakore adarika uye kusashandisa mari isipo.

Kusvika pari zvino bhanga guru raburitsa mari inoti ZiG1, ZiG2, ZiG5, ZiG10 ne ZiG20 dziri kutenderera mumusika.

Hurumende inoti ZiG iri kuwedzerwa huremu ichiti payakaparurwa yaive iri 1:13.56 zvichienzaniswa nedhora rekuAmerica asi pari zvino yasimba kusvika pa 1 :13.3. izvi zvinonzi zvakakwanisika nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa nehurumende ekudzikamisa mari yemunyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG