Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurudzirwa Kuchengetedza Nharaunda Apo Nyaya yeKushanduka kweMamiriro eKunze Yokonzera Nzara


Apo Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nyika dzepasi rino mukucherechedza zuva rekuchengetedza nharaunda, kana kuti World Environment Day, nyanzvi dzinoongorora nezvekuchengetwa zvakanaka kwenharaunda dzinoti kana hurumende ikasatora matanho akasimba mukupedza matambudziko ane chekuita nezvehupfumi hwenyika, masango nenzizi zvichapera kuparara.

Zimbabwe ndeimwe yedzimwe nyika dziri kuchamhembe kweAfrica dzinonzi dziri kuparadza nharaunda dzadzo zvakanyanya zvichikonzerwa nekusatevedzerwa kwemitemo ine chekuita nenharaunda, huori, uye kuoma kwehupenyu.

Mutori wenhau ane menduru zhinji dzekuremekedzwa nekuda kwekunyora pamusoro penhau dzezvekuchengetedzwa kwenharaunda muZimbabwe, Whatmore Makokoba, ndemumwe wevanoti kuparara kwenharaunda kunokonzerwa nekushaya hanya kwehurumende.

Vati, "Kune makambani akawanda, kunyanya anobva kuChina, nemamwe emuno, asingatevedzeri mitemo yekuraswa kwemarara kana mvura yavanenge vashandisa mukugadzira zvinhu zvakafanana nemaTiles."

Vaenderera mberi vachiti, "Vanenge vachikanganisa nharaunda. Kozotiwo, nyika yedu iri kunetseka kuwanisa veruzhinji magetsi, kana dzimwe mhando dzemoto, zviri kukonzeresa kuti vanhu vazoparadza masango vachitsvaga huni."

Vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Youth Biodiversity, VaKnowledge Vingi, vanoti mabasa ekutsvaga nawo chouviri ari kuitwa neveruzhinji anosanganisira kucherwa kwezvicherwa kuri kunze kwemutemo, kana kuti chikorokoza, ndiwo mamwe akonzeresa kuti nharaunda dziparare. VaVingi vati, "Mukuona kwangu, kurima uye kuchera zvakaita segoridhe, ndiko kwaparadza nzvimbo dzedu nekuti kana takatarisa fodya, varimi vayo vari kushandisa miti kupisa."

Vaenderera mberi vachiti, "Kumakorokoza uko kuri kunetserawo kuti vanosiya vaparadza nharaunda. Asi tinofara kuti hurumende ine zvakawanda zvairi kuita senzira yekugadzirisa matambudziko aya, kusanganisira kubatsira varimi kudyara miti yekupisisa fodya yavo, uyewo kudzoredzanidza nharaunda dzinoitwa zvekuchera zvicherwa zvepasi."

Boka rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda reEnvironmental Management Agency rinotenda kuti nharaunda dzemuno dziri kuparara, asi rinotiwo, izvi zvinogona kugadziriswa kana pakatorwa matanho nekukasika.

Tinzwe kubva kuna Muzvare Joyce Chapungu, vanove mumwe wevanoona nezvekuburitswa kwemashoko muboka iri.

Muzvare Chapungu vati, "Takatarisana neZimbabwe, chikamu chenharaunda chinosvika makumi matatu nenhanhatu kubva muzana, chaparadzwa nekuda kwemabasa akasiyana-siyana anoitwa nevanhu."

Vatiwo, "Asi kunyange zvakadaro, tinogona kudzoredzanidza nharaunda idzi kana tikashanda pamwechete. Zvinokwanisika kuti dzive nharaunda dzakatsvinda zvekare."

Hurumende yeZimbabwe ine mitemo yakafanana neweEnvironment Management Act, uyewo yakaisawo runyoro rwayo pamitemo inosungira nyika dzepasi rese kuchengetedza nharaunda, yakafanana newe Paris Agreement.

Asi zvinoita sekuti mitemo iyi haisi kunyanya kubatsira mukudzivirira kuparara kwenharaunda, mumadhorobha zvese nekumaruwa.

Kunyange vakuru mubazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda vanga vavimbisa Studio 7 kuti vachapa muono wehurumende pamusoro pematanho ekuchengetedza nharaunda airi kutora, tazoenda pamhepo vasati vazadzikisa vimbiso yavo.

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko mukomisheni inoona nezvekumisa kuparadzwa kwemasango, yeForestry Commission, Amai Violet Makoto, vanoti havasi kumira kudzidzisa vanhu pamusoro pezvakakoshera kudyara miti.

Muzvare Makoto vati, "Mazuvano zvizhinji zvinokwanisa kuitwa nevanhu zvinovapa mari pasina kuparadza miti- zvakafanana nekupfuya nyuchi, uyewo kushandisa michero nemhodzi dzemiti iyi kugadzira zviwanikwa zvinotengeswa zvakasiyana-siyana."

Vaenderera mberi vachiti, "Tikaita izvi, hatina miti inoparara, uye nharaunda dzakakomberedzwa nemiti iyi dzinowanawo chouviri. Komisheni yedu yakazvipira kudzidzisa vose vangada kubatsirwa nemabhizimusi akadai."

Vanoongorora nyaya dzezvenharaunda uye vakamboita mukuru wekomiti yezvenharaunda mukanzuru yeHarare, VaSteward Mtizwa, vati ijana remunhu wese kuchengetedza nharaunda yaanogara. VaMtizwa vaudza Studio 7 kuti, "Chekutanga ndechekuti vanhu ngavasarasa marara pese-pese nekuti tinogona kuzowana zvirwere zvakaita semanyoka; uyewo vasapise marara nekuti kuita izvi kunokanganisa tose, kunyanya vaya vane zvirwere zvakafanana neasima."

Vatiwo, "Chimwe ndechekuti, vaya vanochera jecha nemavhu zvekuvakisa, vamire tsika iyi nekuti inokonzeresa makomba, uye kukukurwa kwejecha. Tisatemewo miti nekuti ndiyo inotiraramisa."

Kupisa masango vanhu vachivhima kana kutsvaga mbeva, kuchera ivhu rekuvakisa, kutema miti yekupisa nayo fodya, kurasira mvura yakasviba munzizi, chikorokoza uyewo kurima nenzira dzisidzo, ndizvo zvimwe zvinonzi zviri kukonzeresa kuparara kwenharaunda muZimbabwe.

Mhemberero dzegore rino dzeWorld Environment Day dzanga dzichiitwa pasi pedingindira rekudzoredzanidza nharaunda dzakaparara.

Zuva iri rakanagana nekukurudzira kuchengetedzwa kwenharaunda nezvakatikomberedza richitsigirwa nemasangano akazvimirira, vemabhizimusi, mapazi ehurumende uye richimirira kurudziro yesangano reUnited Nations pakuchengetedzwa kwenharaunda.

Forum

XS
SM
MD
LG