Accessibility links

Breaking News

Vavhoti muAmerica Vane Maonero Akasiyana Pakuwanikwa kwaVaTrump Vaine Mhosva


Vatsigiri va VaTrump vari pamuzinda weTrump Tower
Vatsigiri va VaTrump vari pamuzinda weTrump Tower

VaDonald Trump vari kutanga svondo rino kutsvaga rutsigiro semunhu wekutanga aimbova mutungamiri weAmerica kukwikwidza sarudzo yemutungamiri wenyika mushure mekuwanikwa aine mhosva nematare.

Vatsigiri vaVaTrump vakamira panze pemba yavo, inonzi Trump Towers, kuNew York, kwapera zuva rimwe chete kubva vabatwa nemosva makumi matatu neina dzekunyora zvekunyepa pamagwaro emabhizimisi avo nechinangwa chekuda kuti vavhoterwe kuti vatungamire nyika muna 2016 asi vachityora mutemo.

Munzvimbo yeChelsea muguta reNew York, muvhoti Nicholas Warner anoti kubatwa nemhosva kwaVaTrump chinhu chakaipa sezvo America ichida kuti VaTrump vadzoke pachigaro kwemamwe makore mana.

VaWarner vanoti, “Pavakanga vari mutungamiri wenyika makore mana apfuura, zvatiri kuona zvichiitika, zvakanga zvisipo. " Vatiwo, "Ikozvino pane nyaya yehondo, ukuwo hupfumi hwananga kumawere, zvinhu zviri kudhura. Saka ndinongoda kuti adzoke agadzirise zvinhu samuzvinabhizimisi.”

Muguta reEllicott City, mudunhu reMaryland, muvhoti Arkady Lapidus, anoti zvinotaurwa naVaTrump zvekuti kutongwa kwavo kwakakonzerwa naVaBiden hazvina kunakira bato ravo remaRepublicans nenyika, vachiti, “Hapana chakanaka chinobuda apa kusvika bato iri rabvisa VaTrump."

Vatizve, "Tinovimba nesarudzo. Tinogashira zvinobuda mumatare edzimhosva. Tinovimba nevanobetsera vatongi, kana kutonga nyaya nekuti tiri zvizvarwa zveAmerica. Handivhoteri bato reRepublican kusvika ratanga kuremekedza zvatinotarisira sevanhu vemuAmerica, kuremekedza mutemo nezvimwe."

Muvhoti Margaret Barnes, wemudunhu reMaryland, anoti kunyangwe vakawanikwa vaine mhosva, VaTrump varinani pana VaBiden, vachiti, “Biden haaiti seanovimbika, anongotaura zvekunyepa achida kuita semunhu mukuru akanaka asi tichiona hedu kuti handizvo zvaari."

Amai Barnes vatiwo, "Handitende zvaanotaura. Haavimbiki. Asi kunyangwe Trump vachiwedzeredza mune zvaanotaura uye kunyangwe zvimwe zvavanotaura zvichitsamwisa, ndinotenderana naye kazhinji kacho.”

Mudunhu reColorado, muvhoti Luda Golodnykh anoti kuwanikwa kwaVaTrump vaine mhosva kwakafanira, vachiti vanovimba kuti kuchavhiringa kutsvaka kwavo rutsigiro, vachiti, “Matauriro anoita VaTrump pamusoro pevanhukadzi, nzira yavanobata nayo dzimwe nyika, matauriro avanoita pamusoro pevanhu vanotsvaka hupoteri, ivo vakaroora mumwe akabva kune imwe nyika ndinongoti “aiwa, zvirikuitika kwavari zvaifanirwa kunge zvakaitika kare.”

Mudunhu reNevada, muvhoti Keith Dayton, anoti zvakabuda mudare hazvisi kuzochinja kuvhota kwake.

Dayton anoti, “Ndicharamba ndichivhotera VaTrump. Zvose zviri kuitika ndezvemanyepo." Vatiwo, " Ndinonzwa kunyarira nyika yedu. Haasi munhu wekuti ndingatandara naye tichinwa hwahwa naye asi handiyo nyaya yacho.”

Mudunhu rePennsylvania, rimwe rematunhu risina kwarakarerekera, mumwe muvhoti anotsigira VaTrump, Jeffrey Nesbitt, anoti zvakabuda mumatare zvinogona kubatsira VaTrump.

VaNesbitt vanoti, “Ndinofunga kuti zvirinani kuti vanhu vemu America vasavhotere VaTrump nevatsigiri vavo musarudzo. Asi ndinoona sekuti zvakabuda mumatare zvichakonzera kuti vatsigiri vaVaTrump vaende kunovhoto nehuwandu hwavo.”

Ongororo yakaitwa neReuters yakabatana neIpsos inoratidza kuti vavhoti zvikamu makumi mana kubva muzana (90%) zvenhengo dzebato remaRepublican vanotsigira VaTrump.

Asi zvikamu gumi kubva muzana zvasara apa ndizvo zvinonzi zvinogona kukonzera kuti vakundwe musarudzo.

Izvi zvinokonzerwa nekuti hapana musiyano mukuru pakati perutsigiro rwuna VaTrump naVaBiden nekudaro kuti munhu akunde anotofanira kutsigirwa zvakasimba nevavhoti vagara vachivhotera bato rake.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa nemutori wenhau weVOA, Scott Stearns, mukaiverengerwa neni naTanonoka Whande weVOA Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG