Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vofara neMukana weKuita Hurukuro naVaPutin


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano nemutungamiri wenyika yeRussia VaVladimir Putin kumucheto wemusangano wechimakumi maviri nenomwe we27th St Petersburg International Economic Forum.

Vachinyora padandemutande ravo reX, VaMnangagwa vati, "Ndave nerombo rakanaka zvikuru rekuita musangano nemutungamiri weRussia VaVladimir Putin." Vatizve, "Hurukuro yedu yabata nyaya yekusimbaradza kudyidzana munyaya dzezvehupfumi, hukama hwenyika yeRussia neZimbbwe uye kutsvaga mikana yekuti tose tikure nekuita mushandirapamwe. Tiri pamwe chete, tichatsvaga nzira dzekuunza budiriro nekubatanidza nyika dzedu."

VaMnangagwa ndevamwe vatungamiri vashoma shoma vari kumusangano uyu pamwe nemutungamiri weBolivia VaLuis Arce. Vatungamiri venyika dzakawanda havachaende kumusangano uyu kubva Russia zvayatanga kurwisa Ukraine.

Ko Zimbabwe yachinja here gwara pakudyidzana nedzimwe nyika?

Muhurukuro yavakaita neStudio 7, mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vakati hapana chachinja sezvo Zimbabwe iri shamwari yenyika dzose isingadi zvekuvengana nevamwe.

Asi vakati vakambotambanudza ruoko kuAmerica iyo yakarambakudyidzana ndokutemera nyika zvirango. Asi America inoti zvirango hazvina kutemerwa Zimbabwe asi VaMnangagwa nevamwe vavo vanotonmga nedemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvatsinhirwa nevanoongorora sarudzo vari nhengo yeZanu-PF VaMasimba Mavaza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanoongorora nyaya dzezvehupfumi VaMasimba Kuchera vanoshanda nesangano reCentre for Disability and Development vati Russia iri kuda zvicherwa kuZimbabwe kuti isimudzire nyika yayo. Asi vati hakuna zvikuru zvavanotarisira kuti Zimbabwe iwane kubva kumusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG