Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vangazvichenure Here paMhosva Dzavakabatwa Nadzo muDare rePamusoro?


Trump Hush Money
Trump Hush Money

Vari kukwikwidza musarudzo yemutungamri wenyika muAmerica VaDonald Trump vanoti vachadzokera kumatare kunokwikwidza mhosva dzavakabatwa nadzo dzekunyora manyepo pamagwaro emabhizimisi avo pamberi pesarudzo dza2016.

Asi VaTrump vangabudirire here kuti mhosva dzavo dziraswe sarudzo dzisati dzaitwa muna Mbudzi?

VaTrump vanoti, svondo rapera, vakakanganisirwa nemutongi vedare remu New York uyo vanoti akavapa zvikonzero zvizhinji zvekuti vadzokere kudare repamusoro vachikwikwidza mutongo wacho. Vati, “Saka tiri kudzokera kumatare kunopikisa kubirirwa kuri pachena kwatakaitwa uku."

Vaenderera mberi vachiti, " Tine zvikonzero zvizhinji zvekuti mhosva idzi dziraswe. Mutongi akarambidza vafakazi vedu kuti vape huchapupu. Akatirambidza kutaura. Aisati bvumidza kuita kana chinhu. Mutongi aiti dzvinyirira.”

Svondo rapera, VaTrump vakabatwa nemhosva makumi matatu neina dzekunyora zvekunyepa pamagwaro emabhizimisi avo nechinangwa chekuti vavhoterwe kuti vatungamire nyika muna 2016. Asi ivo vanoti mhosva idzi dzakaita mubikirwa nevatsigiri vemutungamiri wenyika VaJoe Biden.

VaBiden vanoti kuwanikwa nemhosva kwakaitwa VaTrump kunoratidza kuti hapana ari pamusoro pemutemo. Vanoti, Vachapiwa mukana wekudzokera kumatare kuti mhosva dzavari kupomerwa dzitarisiswe zvakare; ikodzero yavo."

Vaenderera mberi vachiti, "Ndiwo mashandiro anoita mitemo yedu muAmerica. Asi zvakaipa, zvine ngozi uye hazvina kunaka kuti munhu ati mhosva idzi ndedzemubikirwa nekuti haasi kuda kutambira mutongo wedare.”

Vanodzidzisa zvemutemo pachikoro chepamusorosoro, cheGeorgetown Law School, Muzvinafundo Abbe Smith, vanoti pakudzokera kumatare, magweta aVaTrump anogona kuti nguva yakaparwa mhosva idzi yarebesa. Vanoti vanokwanisa kuti vakurudzire vatongi kuti vaone kuti, Chikamu chacho chemutemo chavari kutongwa nacho hachina kukurisa here uye kusanzwisisika zvekuti mambure acho anogona kubata munhu asingatombozive kuti chii chiri kuitika.”

Muzvinafundo Smith vanoti magweta aVaTrump anogonawo kutarisa kuti mutongi akabvumidza humwe humbowo hwaisafanirwa kushandiswa here kana kuti akarambidza humwe humbowo hwaifanirwa kushandiswa nemagweta aVaTrump kunzwika nedare.

Mutongi pataida kuita zvimwe zvinhu aitirambidza. Asi aibvumidza vachuchusi kuita zvavanoda."

VaTrump vanogonawo kuudza dare kuti magweta avo haana kuvamiririra zvakakwana. Muzvinafundo Smith vanoti, "Ndinofunga kuti kutadza kwemagweta aVaTrump kuramba kuti mudzimai anoti akaita zvepabonde navo, Stormy Daniels ape hufakazi kunogona kuva chikonzero chakakwana chekuti VaTrump vaudze dare kuti magweta avo haana kuvamiririra zvakakwana.”

Muzvinafundo John Jay vepaCollege of Criminal Justice vanoti zvisinei negwara ravachatora, havaone VaTrump nemagweta avo vachibudirira kuti vange vaendesa mapepa ekupikisa mutongo usati wapihwa musi wa11 mwedzi unouya. VaJay vanoti, "Zvinoratidza sekuti vachamirira kunzwa mutongo wavo izvo zvichapa VaTrump nemagweta avo mukana wekunyatsoona mamiriro akaita zvinhu kwete kuita zvinhu muchidimbu chidimbu zvinozopa kuti zvidhurire VaTrump.”

Muzvinafundo Smith vanoti hazviratidzi sekuti matare achakwanisa kutambira chichemo chaVaTrump musi wesarudzo usati wasvika, vachiti, “Izvi hazvigoni kuitwa zvechimbi chimbi." Vatiwo, "Kunyangwe nyaya iyi ikatorwa sekuti yakasiyana nedzimwe zvikuru takatarisana nesarudzo yemutungamiri wenyika, handioni zvichiitika sarudzo yemuna mbudzi isati yaitwa.”

Kana mhosvaidzi dzikatadza kuraswa sarudzo isati yaitwa, VaTrump vachava munhu wekutanga kukwikwidza kuva mutungamiri weAmerica abatwa nemhosva nedare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya Iyi yatumirwa naScott Stearns weVOA mukaiverengerwa neni Tanonoka Whande.

Forum

XS
SM
MD
LG