Accessibility links

Breaking News

UNICEF Inoti Vana vemuZimbabwe Vari Pasi peMakore Mashanu Vatarisana neNzara Inotyisa


Gwaro raburitswa nesangano reUnited Nations Children’s Fund (UNICEF) rinoti mwana mumwe chete pavana ane makore ari pasi pemakore mashanu kana kuti mamiriyoni zana nemakumi masere nerimwe kana kuti 181 million pasi rosenkusanganisira muZimbabwe vakatarisana nenzara inotyisa nekuda kwekushaya chikafu chinovaka muviri.

Zimbabwe iyo yakatokumbira chikafu chekubatsira vana vanosvika mamiriyoni mana nezviuru mazana mashanu kana kuti 4,5 million iri panyika dzemuAfrica dzine dambudziko iri dzinoti Somalia, Ethiopia, Lesotho neMalawi.

Tayedza kubata gurukota rezvehutano Dr Douglas Mombeshora asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zimbabwe iri kutsvagawo mari inodarika mabhiriyioni matatu kana kuti US$3,3 billion kubatsira vanhu mamiriyoni mapfumbamwe vakatarisana nenzara munyika.

Mwedzi wapera, UNICEF yakaisawo chikumbiro chekubatsira vana vemuZimbabwe zviuru mazana masere nemakumi matanhatu nematanhatu kana kuti 866,000.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, Doctor Simbiso Ranga vaudza Studio 7 kuti vana vakasawaa chikafu chakakwana vanorwara uye zvakakosha kuti Zimbabwe ikoshese kuvanisa vanhu vayo zvekudya nekuti ikazvipira inokwanisa kuita izvi kunyangwe mumakore anenge asina kunyatsonaya mvura..

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG