Accessibility links

Breaking News

Chikwata CheMimhanzi Chine Mukurumbira cheMokoomba Choshanya muAmerica kweMwedzi Mitatu Umo Chichaparura Dambarefu


Chikwata cheMokoomba chiri kushanya muAmerica kwemwedzi mitatu.
Chikwata cheMokoomba chiri kushanya muAmerica kwemwedzi mitatu.

Chikwata chemimhanzi chinobva kuZimbabwe chine mukurumbira, cheMokoomba, chiri kushanya muAmerica kwemwedzi mitatu kusvika pakati paNyamavhuvhu umo chichatenderera mumatunhu akawanda chichitandadza vanhu.

Chikwata cheMokoomba icho chinobva kuVictoria Falls chiine varume vatanhatu, chiri kuparura rwendo rwacho neChishanu chino chichiridza chiri paKennedy Center muD.C., chichizotenderera nematunhu emuAmerica kusvika musi wa 16 Nyamavhuvhu.

Mookomba izwi rechiTonga rinoreva ruremekedzo rwakadzama runopihwa kurwizi rukuru rweZambezi .

Chikwata ichi chinoimba nziyo dzeChirungu, Luvale, Tonga, Ndebele neShona uye chinobatanidzawo zviridzwa zvemuZimbabwe zvechinyakare uye zvechizvino zvino.

Mukuru wekambani ye ALIA Productions, VaAlison Loerkeavo vari kukokera chikwata ichi, vanoti chiri kuvimbisa kufadza vanhu zvemhando yepamusorosoro.

Mumwe anoridza lead Guiter, muchikwata ichi, Trust Samende anoti vakagadzirira zvakakwana kuzofadza vanhu.

Izvi zvinotsinhwa ne mumwe wake anoridza gitare re Bhesi, Tinotenda Zingapeta, anoti vane zvitsva zvavagagadzirira veruzhinji gore rino.

Chizvarwa che Zimbabwe chinogara mu Maryland Pamhidzai Bhamu, uyo achange achiperekedza chikwata ichi muno mu DC anoti dai veruzhinji vabuda nehuwandu kuzoona Mokoomba ichiima svondo rinouya.

Chikwata ichi chinoumbwa verume vanoti-Mathias Muzaza, Trustworth Samende, Miti Mugande, Ndaba Coster Moyo, Phathisani Moyo na Tinotenda Zingapeta. Nziyo dzavo dzinobata magariro evanhu nekurudziro dzekuti vechidiki vasiye zvinodhaka. VAnotarisirwawo kuimba ku misangano mikuru ye African Vibration Music Festival ne Africa World Music Festival.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG