Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokonzera Mutauro neKushora Zambia neSADC Muhurukuro naVaPutin Vachiti Vasara Vakamira Vega


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakonzera mutauro pasi rose nemashoko avakataura nezuro muhurukuro nemutungamiri weRussia VaVladimir Putin vachishora Zambia nedzimwe nyika dzemuSADC dzavanoti dziri kuvabata sevakageza negoka munyama nekuda kwekudyidzana kwavo neRussia.

VaMnangagwa vaitaura kumucheto wemusangano wechimakumi maviri nenomwe kana kuti 27th St Petersburg International Economic Forum kuRussia.

Mumashoko aburitswa nemuzinda waVaPutin weKremilin, VaMnangagwa vakati vanoda rutsigiro rweRussia munyaya yechikafu nekuzvidzivirira sezvo America iri kubatsira Zambia zvosiya Zimbabwe iri pamhene. VaMnangagwa vakatiwo vekumawirira vari kubatsirawo Malawi neZambia zvakasimba vachisiya Zimbabwe.

Mutungamiri wenyika akatiwo kuna VaPutin, “Matambudziko amakatarisana nawo akafanana neatiri kusangana nawo muSADC nekuti ndisu imwe yenyika shoma shoma inotorwa seisingadi kudyidzana nenyika dzekumawirira.”

Vakaenderera mberi vachiti, “Ndiri kunzwa kupihwa chiremera kuti mandikoka kuno." Vati, “Ndinofunga zvido zvedu munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika zvakafanana.”

VaMnangagwa vakatiwo, “Taibatwa neseri kweruoko tichiita sechitsuwa kuchamhembe kweAfrica. Asi ndinoda kuti tiumbe hukama hwakasimba neRussia. Ini hangu ndakazvipira. Imi VaPutin mune rutsigiro rwakasimba muZimbabwe.” Vakatiwo, “Munotipa chikafu uye rutsigiro mune zvekudzivirirwa kwenyika. Pose pamunotipa izvi, dunhu rose rinobva rati bata setakageza negoka munyama. Asi hatina basa nazvo.”

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko muZambia VaCornelius Mweetwa vaudza Studio 7 kuti senyika vane nzira dzine chiremera dzekutaura nadzo neZimbabwe uye havatangire kumapepanhau.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reSouthern Africa Liaison Office VaMunjodzi Mutandiri vati zvaitwa naVaMnangagwa hazvina chiremera uye zvinoshoresa nyika. Vanoti kana vaine zvichemo neZambia zviri nani kutaurirana nayo kwete kuenda kunyika yekunze kunoishora.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMnangagwa nebato reZanu-PF havana kutambira zvakanaka gwaro rakaburitswa neSADC richishora maitirwo akaitwa sarudzo munyika muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika yeZambia VaNevers Mumba ndivo vakatungamira chikwata chevaongorori vesarudzo veSADC mushure mekudomwa nemutungamiri wenyika iyi VaHakainde Hichilema vanova sachigaro weSADC Organ on Politics and Defense.

Pakamboita kukandirana makobvu nematate Zimbabwe ichishora VaHichilema nezvegwaro reSADC iri. Asi Zambia yakati iri raive gwaro raimiririra dunhu rose kweZambia chete.

America inoti inobatsira Zimbabwe zvakanyanya munyaya dzechikafu nemishonga.

Forum

XS
SM
MD
LG