Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Vanodzoka Kumusha, Mutevedzeri Wavo, VaChiwenga, Vachisvikawo kuTajikistan kuMusangano weMvura


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vaine mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vaine mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vadzoka kumusha mangwanani vachibva kuSouth Korea neRussia uko vakapinda misangano yeKorea-Africa Summit neSt. Petersburg International Economic Forum.

VaMnangagwa vatambirwa panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport nevanga vakafanobata chigaro chemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi.

Vachitaura kuvatsigiri vatsigiri vavo pamwe nemakurukota vavatambira panhandare yendege, VaMnangagwa vazvirova dundundu vachiti ndivo chete mutungamiri wenyika yemuAfrica vakakokwa kuRussia kumusangano uyu.

Vatiwo mumwe mutungamiri wenyika akakokwawo kumusangano uyu mutungamiri weBolivia, VaLuis Alberto Arce Catacora.

Mutungamiri wenyika vati havana nhamo zvachose sezvo mutungamiri weRussia, VaVladmir Putin, vakavimbisa kubatsira nekutsigira Zimbabwe mune zvose, vachiti Russia neZimbabwe dzakabva kure uye dzicharamba dzakabatana.

VaMnangagwa vachisvika kumusha, mumwe wevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga, vanga vachisvikawo muDushanbe, guta guru reTajikistan, uko vari kutungamira chikwata cheZimbabwe kumusangano wekuchengetedzwa kwemvura wetatu, weThird Dushanbe Water Conference.

Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.
Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga.

Musangano uyu wakarongwa nehurumende yeTajikistan pamwe chete neboka reUnited Nations rinoona nezvekugarisana, kana kuti Department of Economic and Social Affairs, uye uri kupindwa nenhengo dzeUnited Nations, masangano akazvimirira, veboka rezvemakambani rakazvimirira, vezvedzidzo, vechidiki pamwe nevamwe vane chekuita nenyaya dzemvura.

Sangano renhau reZimLive rinoti vatungamiri vaviri ava vakashandisa ndege dzekuhaya, VaMnangagwa vachinzi vakashandisa ndege yerudzi rweAirbus A320 yekuChina, kuchitiwo VaChiwenga vachinzi vakashandisa ndege yerudzi rweBombardier Global Express yakabva kunyika yeMalta.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuhofisi yemutungamiri wenyika sezvo tatadza kubata mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba.

Hatina kukwanisawo kunzwa kuti kana chiri chokwadi ndege idzi dzakaita marii.

Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakakosha kuti mutungamiri wenyika vange vachizivisa vana veZimbabwe zvakabuda kumisangano yavanenge vakapinda kuitira kuti veruzhinji vazivewo zvakavakafambira uye kuti zvinobatsira nyika nenzira dzipi.

Muzvinafundo Masocha vanotiwo misangano mizhinji yakadai seyakapindwa naVaMnangagwa kana uri kupindwa naVaChiwenga nguva zhinji inotoda kupindwa nemutungamiri wenyika kana mutevedzeri wake nekuti inenge iri misangano yepamusorosoro, kunyange hazvo vachiperekedzwa nemakurukota akasiyanasiyana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG