Accessibility links

Breaking News

Gwaro reZPP reKutyorwa kweKodzero dzeVanhu Muna Kubvumbi Ronongedza kuMapato eZanu PF neCCC neVatungamiri veMatunhu


Gwaro reZPP raitarisa muna Kubvumbi rinoti makaitika nyaya dzinodarika zana nemakumi mana.
Gwaro reZPP raitarisa muna Kubvumbi rinoti makaitika nyaya dzinodarika zana nemakumi mana.

Nhengo dzemapato ezvematongerwo enyika anoti reZanu PF neCitizens Coalition for Change, CCC, dzinonzi dzri pakati pevanhu vakapara mhosva dzinodarika zana nemakumi mana dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu mumwedzi waKubvumi wegore rino.

Izvi zviri mugwaro rekuferetwa rakaburitswa nesangano reZimbabwe Peace Project, ZPP, iro rinoti vamwe vapari vedzimhosva idzi vanosanganisira mapurisa, vatungamiri vematunhu, mauto, mapurisa emakanzuru pamwe nevanhu vasina mapato kana masangano avaishanda nawo.

Bato reZanu PF rinonzi negwaro iri dziro riri pamusoro mushure mekupara mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu dzinosvika zvikamu makumi matanhatu nezvipfumbamwe zvine zviga makumi mana nechimwe kubva muzana, kana kuti 69.41 percent, richiteverwa nevatungamiri vematunhu, avo vanonzi vakapara mhosva dzinosvika zvikamu zvisere zvine zviga makumi mashanu nezvitatu kubva muzana, 8.53 percent.

Mapurisa eZ-R-P akaiswa pachinhanho chetatu aine zvikamu zvinomwe nezviga makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana, kana kuti 7.94 percent, achivererwa nemauto ane zvikamu zvishanu nezviga makumi maviri nezvipufumbamwe, kana kuti 5.29 percent, mapurisa ekanzuru achiiswa pazvikamu zviviri nezviga makumi mapfumbamwe nezvina kubva muzana, kana kuti 2.94 percent.

Nhengo dzebato rinopikisa reCCC dzinonzi dzakaparawo chikamu chimwechete nezviga makumi mana nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 1.47 percent, kuchitiwo mhosva dzakaparwa nevanhu vasina mapato kana masangano avanoshanda nawo dzichisvikawo pazvikamu zvina nezviga makumi mana nezvina kubva muzana, kana kuti 4.41 percent.

Studio 7 yakundikana kubata veZimbabwe Peace Project kuti tinzwe zvizhinji asi sangano iri rinoti vanhu vaishungurudzwa nenzira dzakasiyanasiyana dzinosanganisira kushungurudzwa nekurohwa nemauto, kumanikidzwa kwevanhu kuenda kumhemberero dzekuwana kuzvitonga, kurohwa kwevanochinja mari mumigwagwa nezvimwe.

Dunhu reMashonaland West ndiro rinonzi rakaona nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dzakawandisa kudarika mamwe matunhu.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa, mauto, madzishe nevamwe vari kupomerwa mhosva idzi.

Asi mutauriri wechimwe chimwe chikwata chebato reCCC, VaPromise Mkwananzi, varamba kuti bato ravo rine chekuita nemhirizhonga iri kutaurwa neZPP iyi, kunyange hazvo vati sebato vanoremekedza sangano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi ndizvo zvataurwawo mnevakafanobata chigaro chemutevedzeri wasachigaro wechimwe chikwata cheCCC chiri kufanotungamirirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube, VaAlbert Mhlanga, avo vati nhengo dzebato reCCC ndidzo dzaitoshungurudzwa nenhengo dzeZanu PF dzavati ndaishandisa nhumbi dzeCCC kupara mhosva idzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mukuru muhofisi inoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati bato ravo hariteereri mashoko anotaurwa nemasangano akaita seZPP, vachiti haasi mapato anotsvaga kuumbiridza Zimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano reZPP rakakurudzira komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu yeZimbabwe Human Rights Commission (ZHRC) kuti iferefete maitiro emauto pamwe nekukurudzira mapurisa kuti aferefete zvakadzama nyaya dzakamhan'garwa dzine chekuita nenhengo dzemapato ezvematongerwo enyika.

Sangano iri rakakurudzirawo kuti vanhu vakoshese nekutambira kuti kune mapato ezvematongerwo enyika akawanda, vanhu vogarisana murunyararo.

Forum

XS
SM
MD
LG