Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeKomiti yeParamende Iri Kutungamira Hurongwa hweBhiri rePVO Dzopesana Pakuti Roendeswa Mberi Sei?


Vamwe vakapinda mumisangano yekunzwa pfungwa dzevanhu paPVO Bill muHighfields.
Vamwe vakapinda mumisangano yekunzwa pfungwa dzevanhu paPVO Bill muHighfields.

Nhengo dzekomiti yeparamende inoona nezvemabasa nevashandi, yePortfolio Committee on Public Service, Labour and Social Welfare, iyo iri kutungamira hurongwa hwebhiri rinobata mashandiro emasangano akazvimirira, rePrivate Voluntary Organisations Amendment Bill, dzinonzi dziri kupesana pamabatiro adzingaita zvimwe zviri mubhiri iri zvinonzi nevamwe zviri kunyanya kuomesera masangano ari kupa rubatsiro panguva iyo nyika yakatarisana nenzara inotyisa.

Izvi zvinonzi zvaita kuti musangano waitwa muHarare masikati eMuvhuro utadze kupedza kuzeya zviri mubhiri iri pamwe nezvakaunganidzwa nekomiti iyi mmuhurongwa hwayakaita mwedzi wapera hwekunzwa pfungwa dzevanhu maererano nebhiri iri.

Zvinonzi dzimwe nhengo dzekomiti iyi dziri kukurudzira kuti bhiri iri ridzoserwe zvakare muvanhu kuti vape pfungwa dzavo zvakare sezvo zvimwe zvakaunganidzwa zvichiratidza kuti vakawanda vakapa pfungwa dzavo vakanga vasina ruzivo rwuzere rwemusoro wenyaya, izvo zvinonzi zviri kurambwawo nevamwe.

Nhengo dzekomiti iyi dzinonzi dzazowirirana kuti bhiri iri rinyorwe riri mururimi rwunonzwikwa nevanhu vose munyika, uye kuti veruzhinji vawaniswe dzidziso pamusoro paro kutiira kuti vari nzwisise zvizere. Pari zvino bhiri iri rinonzi riri mururimi rweChirungu chete.

Komiti iyi inonzi yawiriranawo kuti pose panoitwa mabhiri akadai mapazi ehurumende anenge achibata mabhiri aya anofanirwa kutanga aenda muvanhu achivapa dzidziso izere pamusoro pawo.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro vekomiti iyi, mai Mashonganyika sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi imwe nhengo yekomiti iyi, vari mumiriri weMkoba South muparamende, VaJohn Kuka, vaudza Studio 7 kuti nekuda kwekuti havana kupedza kuzeya bhiri iri rose nhasi, zvave kureva kuti vachasangana zvakare nemusi weChina, uye ndipo pavachazobuda nezvisungo zvichariendesa mberi.

Asi VaKuka vanoti nekuda kwekuti havana kupedza kuita basa ravo ravanga vakatarisirwa, kuverengwa kepiri kwebhiri iri muparamende kwanga kuchifanirwa kuitwa svondo rino kuchambosendekwa parutivi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG