Accessibility links

Breaking News

Matunhu Maviri chete paMatunhu Makumi Matanhatu Ndiwo Anonzi Ane Chikafu Chinopedza Gore


Mhuri dzakawanda dzinonzi dziri kurarama nechikafu cherubatsiro.
Mhuri dzakawanda dzinonzi dziri kurarama nechikafu cherubatsiro.

Gwaro rekomiti inoongorora mamiriro enyaya dzechikafu munyika yeLivelihoods Assessment Committee (ZimLAC), rinoti matunhu maviri anoti Goromonzi kuMashonaland East neMakonde kuMashonaland West ndiwo chete ane chikafu cinopedza gore pamatunhu madiki makumi matanhatu emunyika.

Gwaro iri, iro rakaburitswa nekomiti iyi richitarisa mamiriro ezvinhu muna Kubvumbi, rinoti mamwe matunhu masere ane chikafu chinongokwana kudyiwa kwemwedzi mipfumbamwe chete, kuchitiwo mamwe matunhu ose ane chikafu chinogona kukwana mwedzi mitanhatu chete.

Gwaro iri rinotiwo goho remwaka uno rakadzikira nezvikamu makumi manomwe nezvinomwe kubva muzana, kana kuti 77 percent, kana zvichienzaniswa negoho rakawanikwa mwaka wapera.

Mwaka wapera nyika yakawana chikafu chinodarika mamiriyoni maviri nezviuru mazana maviri zvemametiriki tani, asi mwaka uno nyika yakawanda goho rinodarika zvishoma miriyoni imwe nezviuru mazana mana zvematani echikafu.

Vanhu vanonzi vanoda rubatsiro rwechikafu munyika yose vanonzi vave kudarika mamiriyoni masere, miriyoni imwechete nezviuru mazana manomwe, kana kuti 1.7 million, vari vanhu mumaguta nemadhorobha.

Sangano reWorld Food Program, WFP, rakatozivisa kuti neChitatu svondo rino richange riri mudhorobha rechinhoyi umo richange richigovera mari kune vanoshupika kuitira kuti vakwanise kuzvitengera chikafu.

Pasi pechirongwa cheUrban Programme in Zimbabwe, WFP inobatsira vasina mabasa, vane hurwere hwusingarapiki, vakwegura, pamwe nevakaremara.

Nyanzvi munyaya dzekugoverwa kwechikafu uye vakambotungamira sangano re Christian Care, Mufundisi Forbes matonga, vanoti izvi ndizvo zvinoratidza kuti dambudziko renzara rakabata nyika yose, vachiti matunhu maviri anonzi ane chkafu aya hazvirevi kuti vanhu vose mumatunhu aya vakakohwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG