Accessibility links

Breaking News

Amai Pamela Marie Tremont Votora Mhiko Yekuti Vave Mumiriri weAmerica muZimbabwe


Amai Pamela Marie Tremont /Reuters
Amai Pamela Marie Tremont /Reuters

Amai Pamela Marie Tremont vakatora mhiko nezuro kuti vave mumiriri mutsva weAmerica muZimbabwe. Ndivo mudzimai wekutanga kuva mumiriri weAmerica munyika kubva zvayawana kuzvitonga kuzere muna 1980. Vari kutora chinzvimbo chakasiiwa naVaBrian Nichols muna 2021.

Amai Tremont vaive mutevedzeri wemumiriri weAmerica kuSweden, Ukraine neCyprus. Vakamboitawo mutevedzeri wemukuru wesangano reNorth Atlantic Treaty Organisation (NATO) uye vakamboshandawo kumizinda yeAmerica kuZambia neBritain.

Amai Tremont vari kuenda kuZimbabwe panguva iyo kudyidzana kweZimbabwe neAmerica kusina kumira zvakanaka zvikuru munyaya dzezvematongerwo enyika nehutongo hwejekerere. America yakatemera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe gumi zvirango ichivapomera mhosva dzekuita zvehuori uye kutonga nedemo.

Asi hurumende inoti yakatemerwa zvirango nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Muzvinafundo Ricky Mukonza vanodzidzisa paTswane University of Technology muSouth Africa vaudza Studio 7 kuti kushanda kwa Amai Tremont kunyika dzakasiyana kuchavabatsira kushanda muZimbabwe sezvo vaine ruzivo rwemafambiro ezvinhu mudunhu rekudzekuchamhembe kweAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG