Accessibility links

Breaking News

Kunyange Hazvo RBZ Ichiti Yakaisa ZiG55 Million muMisika yeMari, Dambudziko reMari Diki Rinonzi Richiri Kunetsa


Dambudziko remari diki dzekushandisa sechenji rinonzi richiri kunetsa munyika.
Dambudziko remari diki dzekushandisa sechenji rinonzi richiri kunetsa munyika.

Kunyange hazvo gavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, R-B-Z, VaJohn Mushayavanhu, vakazivisa nyika neMuvhuro kuti vakadira mari inosvika mamiriyoni makumi mashanu nemashanu ema ZiG, kana kuti ZiG 55 million, mumusika kuitira kurerutsira veruzhinji munyaya dzechenji, vakawanda vanoti hapana chinoratidza kuti mari iyi iri kutenderera vachiti dambudziko iri richiriko.

Mutauriri wesangano revemabhazi anotakura veruzhinji muChitungwiza, reChitungwiza Commuter Omnibus Operators’ Association, VaFarai Muza, vanoti semaziviro avo dambudziko rekushaya mari diki yekushandisa sechenji richiri kuvabata zvakanyanya kunyange hazvo Gavhuna vari kuti zvinhu zvinofanirwa kunge zvareruka.

"Tingati nezuro wacho kwanga kusina mari yaitenderera yakawanda in ZiG form. Kwaingotenderera ma 5 ZiG mashoma. Kwoita ma 10 ZiG mashoma, ne 20 ZiG. Saka so far takatomirira kuti zvigadziriswe," vanodaro VaMuza.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanoti vanoona sekuti hurumende yakakanganisa payakati vanhu vasarende mari tsaru yeRTGs pachinzvimbo chekuti dai yakaramba ichishandiswa ichizoburitswa zvishoma zvishoma zvaibatsira kuwana chenji.

Mari diki dzinonzi dziri kunetsa kunyange hazvo RBZ iri kuti yakadira mari yakawanda.
Mari diki dzinonzi dziri kunetsa kunyange hazvo RBZ iri kuti yakadira mari yakawanda.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chinogona kuve chokwadi kuti R-B-Z yakaisa mari yakawanda kumabhanga asi dambudziko nderekuti hupfumi hwenyika hwanyanya kurerekera kune vanozviitira mabasa emaoko, vazhinji vavo vasina mabhuku ekumabhanga.

Vanoti izvi zvinoreva kuti vanhu vashoma vanokwanisa kuzotora mari idzi kumabhanga kuti dzitenderere nekushandiswa.

VaMushayavanhu vakasangana nevemabhazi nemichovha pamwe nevamiriri vevanofamba nemabhazi everuzhinji neMuvhuro muHarare kuti vanzwe pane dambudziko munyaya dzekunetsa kwechenji uye kuonesana nekutsvaga kuti dambudziko iri ringagadziriswa sei.

Zvichakadaro, sangano reIMF rakazivisa kuti richatumira chikwata chenyanzvi kuZimbabwe mwedzi unouya dzichatungamira hurongwa hwe Article IV Consultation, icho chichanoongorora mamiriro ehupfumi hwenyika sezvachagara chichiita gore roga roga.

Asi Doctor Chitambara vanoti zvavo hapana chikuru chekutarisira kubva kurwendo rweIMF urwu.

IMF yakazivisa kuti chikwata ichi chichatarisawo hurongwa hwemari itsva yeZiG uye yakazvipira kubatsira Zimbabwe kugadzirisa mamiriro ehupfumi hwenyika.

Kunyange hazvo IMF iri kutumira chikwata chayo kuZimbabwe, sangano iri harisati rave kukwanisa kukweretesa Zimbabwe mari nekuda kwekukundikana kwayo kubhadhara zvikwereti.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

​
XS
SM
MD
LG