Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe Chiri muAmerica, Amai Chimombe, Vorerutsira Vari Kunze Vanofarira zveKumusha


Chimukuyu chinogadzirwa neHouse of Stones Creations.
Chimukuyu chinogadzirwa neHouse of Stones Creations.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tiri kutarisa zviri kubatwa naAmai Patience Chimombe nekambani yavo yeHouse of Stone Creations, avo vari kugadzira zvekudya zvinosanganisira chimukuyu nemasoseji.

Amai Chimombe, avo vari kuGoldsboro mudunhu reNorth Carolina muAmerica, vanoti chisuwo chechikafu chekumusha icho chainetsa kuwana ndicho chakaita kuti vatange kugadzira chimukuyu nemasoseji kusvika zvazopararirawo kune zvimwe zvizvarwa zvekumusha zvave kutenga kubva kwavari.

Amai Patience Chimombe vekambani yeHouse of Stone Creations.
Amai Patience Chimombe vekambani yeHouse of Stone Creations.

"House of Stone Creations yakazvarwa mushure mekunge ndasuwa chikafu chedu chatakakura tichidya asi ndisingachiwani nyore muno muAmerica. Nekuda kwaizvozvo ndakatanga bhizimusi rekugadzira chimukuyu nemasoseji, uyewozve ndainzwa zvizvarwa zveZimbabwe zvichi chemachema nekusanakana kwechikafu chemuno muAmerica. Nyama zhinji dzmuno dzinobikwa neshuga, chinove chinhu chisina kujairika kumusha kwedu. Naizvozvo ndakaona zvakanaka kuti ndigadzire nyama inodiwa nevana veZimbabwe," vanodaro Amai Chimombe.

Zvimwe zvinogadzirwa neHouse of Stone Creations.
Zvimwe zvinogadzirwa neHouse of Stone Creations.

Vanoti ivo zvavo munhu akagara achifarira nyaya dzekubika uye anonzwisisa zvine chekuita nekugadzirwa kwezvekudya, nekudaro pavakafunga kugadzira chimukuyu nemasoseji vakanyatsotora nguva yavo vachidzidziswa kuzvigadzira neimwe kambani yekuCape Town, kuSouth Africa.

Panyaya yekuwana vanotenga zvigadzirwa zvavo, Amai Chimombe vanoti vanotenda chose nerutsigiro rwavari kuwana kubva kuvatengi.

"Bhizimusi riri kugamuchirwa zvakanaka kwazvo zvekuti mukana wekukura uripo."

Soseji rinogadzirwa neHouse of Stone Creations.
Soseji rinogadzirwa neHouse of Stone Creations.

Vanoti pari zvino vatengi vanonyanya kuwanikwa pamadandemutande uye vanonzwa nemashoko kubva kune vanenge vakambotengawo kwavari vanenge vatapirirwa nechimukuyu nesoseji.

"Vazhinji vanotenga kwatiri zvizvarwa zveZimbabwe. Vamwe vatengi vanobva kunyika dzinoti South Africa, Zambia neBotswana. Tinewo zvakare maAmerican vakaraira chimukuyu nebhuruvhosi vanoramba vachidzoka kwatiri kuzotenga uye vachishambadza zvigadzirwa zvedu," vanotsanangura Amai Chimombe.

Kunze kwekugadzira chimukuyu nesoseji, kambani yavo yeHouse of Stone Creations inogadzirawo zvishongo zvekupfeka zvakasiyanasiyana zvinosanganisira mhete, zvemuhuro kana kuti necklaces, zvekuchengetera makiyi kana kuti key rings, zvekushandisa mumba yekubikira zvakafanana nezvekuchekera muriwo, nezvimwe.

Zvimwe zvinogadzirwa neHouse of Stone Creations.
Zvimwe zvinogadzirwa neHouse of Stone Creations.

Amai Chimombe vanoti zvose izvi zvinenge zviine mashoko anodiwa nemutengi kana mifananidzo inodiwa nemutengi zvinenge zvakadhindwa pazviri.

Zvimwe zvavanogadzira zvishongo zvemudzimba zvine mitupo yakasiyanasiyana nemifananidzo yakasiyanasiyana.

"Chakaita kuti nditange bhizimusi iri ndechekuti ndaida kupakurira ruzhinji chidimbu chetsika nemagariro edu. Zvakandipa kugadzira atinoti ma craft, anotirangaridza kwatinobva. House of Stone Creations inogadzira mhete, ma necklace, mabhodhi anodeketera mitupo yedu, nezvimwe zvakawandawanda."

Mutupo wakadhindwa neHouse of Stone Creations.
Mutupo wakadhindwa neHouse of Stone Creations.

Vanoti mitupo yakakosha zvikuru pachivanhu sezvo ichiratidza dzinza remunhu, naizvozvo vakaona zvakakosha kuti kana munhu ari mhiri kwemakungwa uye kure nevehukama zvakakosha kurangaridzwa kwaanobva.

"Saka ungave uri Shumba, Nzou, Mhofu, tiri pano kushandidzana nemi vatengi nechinangwa chekuti mudade nedzinza renyu, sekutaura kwaVaMtukudzi, uye kudzidzisana kukosha kwerudzi rwedu," vanodaro Amai Chimombe.

Mhete dzinogadzirwa House of Stone Creations.
Mhete dzinogadzirwa House of Stone Creations.

Vanoti vanoda kuvabata vanokwanisa kuvabata panhamba dzavo dzenhare dzemu America dzinoti +1 919 429 4204, kana padandemutande ravo rinoti www.houseofstonecreations.com.

PaTik-Tok vanowanikwa pa @houseofstonecreations kuchitiwo pa Instagram nepa Facebook vachiwanikwa pa House of Stone Creations.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG