Accessibility links

Breaking News

WFP Yobatsira Vari muMaguta neMari yeKutenga Chikafu


Sangano reWorld Food Program nhasi range riri muChinhoyi rakabatana nereLeakages for Economic Advancement kana kuti LEAD vange vachipa vanhu vari muguta iri mari yekutenga chikafu nezvimwe zvikwanisiro zvekuti vazviitire mabasa avo emaoko.

Chirongwa chekubatsira vari mumaguta chiri kuitwa mushure mekunge hurumende nemapazi eUnited Nations vazivisa kuti vanhu miriyoni imwe chete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1,7 million vakatarisana nenzara mumaguta chete.
Mumaguta, WFP iri kubatsira vanhu zviuru makumi matanhatu nematanhatu kana kuti 63, 000 mumatunhu matanhatu. Varombo, vakwegura nevakaremara nevamwe vari kupihwa mari inosvika madhora gumi nematatu kana kuti US$13 pamunhu kuti vakwanise kutenga chikafu.

Mumwe ari kubatsirwa nemari muchirongwa ichi ndiAmai Venenzia Mumba avo vanoti vari kufara sezvo vange vave kuomerwa nehupenyu.

Amai Mumba vanoenderera mberi vachiti vanotenga zvinhu zvakaita sehupfu , mafuta, sipo nezvimwe.

Mumwe mugari wemuChinhoyi Amai Grace Tendaupenyu avo vanga vachitora mari yavo nhasi mubhanga reAgribank vanoshuvira kuti dai vangoramba vachipihwa mari nekuti nzara yapfunya chisero munyika.

Kunze kwemari yekutenga zvekudya, vamwe vanhu vari kubatsirwa nemari yekupfuya huku, kuita madiridziro nezimwe.

Mumwe wechidiki akabatsirwa neruzivo pamwe nemuchina wekugadzira zvinhu zvesimbi kana kuti welding machine Muzvare Rutendo Muzanenhamo anoti zvigadzirwa zvake zviri kumupa mari yakawanda.

Mudzviti wedunhu reMakonde VaBenjamin Zivanai vanoti vari kushanda zvakanaka nesangano reWFP nere Lead.

Mukuru wezvekufambiswa kwemabasa muWFP Amai Bianca Dzvairo vati pane vakawanda vari kushandisa mari iyi kutenga zvekudya.

Amai Dzvairo vanoti shuviro yavo ndeye kuti chirongwa ichi chienderere mberi kana vakawana mari sezvo kuine vanhu vanodarika miriyoni imwechete nezviuru mazana manomwe kana kuti 1.7 million vasina zvekudya zvakakwana mumaguta.
Vanhu mamiriyoni mapfumbamwe vakatarisana nenzara munyika uye hurumende iri kuda mari inodarikaa mabhiriyoni matatu kana kuti US$3,3 billion kuti iwanise vanhu zvekudya nezimwe kusvika muna Kurume 2025.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG