Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoenda kuMusangano weVakaremara kuNew York Asi Ichisiya Vamiriri Vavo


Wheel Chair
Wheel Chair

Zimbabwe iri kupinda mumusangano weUnited Nations uri kuongorora nezvekodzero dzevanhu vakaremara, uyo wakatanga nezuro muNew York kuAmerica, mutevedzeri wemunyori weUnited Nations, Amai Amina Mohammed, vachiti donzvo ravo guru ndere kuona kuti kodzero dzevakaremara dzasimudzirwa pachishandiswa michina yechizvinozvino, kuvawanisa mabasa pamwe nekuona kuti vachangetedzwa panguva yenjodzi dzakasiyana siyana.

Vachiparura musangano uyu nezuro, Amai Mohammed, vakati vakaremara vakawanda vari kusarira shure munyaya dzekushandisa michina yechizvinozvino, uyewo vanotadza kubatsirikana kana kutiza kana pachinge paita hondo kana njodzi dzakaita semafashamu.

Vakatiwo vanhu vakawanda vakaremara pasi rese vane hurombo nekuda kwerusarura rwunoitwa pakupinzwa kwevanhu mabasa, vachiti kunyange pavanopinzwa basa vanopihwa mihoro iri pasi kana zvichienzaniswa nevamwe vasina kuremara vachiti izvi zvinofanira kugadziriswa.

Vanoshanda nesangano reCentre for Disability and Development, VaMasimba Kuchera, vanoti donzvo remusangano uyu rakanangana nematambudziko anosangananevakaremara kunyange muZimbabwe.

Asi vanoti havasi kufara kuti nhengo dzeparamende dzinomirira vakaremara hadzina kuenda kumusangano uyu, vachiti zvakakosha kuti misangano yakadai inge ichipindwa nevanhu vakaremara vakawanda. Vanoti hazvibatsiri kuti hurumende ipinde yega mumisangano iyi.

Gweta rinomirira kodzero dzevakaremara vachishanda nesangano re African Union of the Blind, Advocate Abraham Mateta, vaudza Studio 7 kuti hapana chakashata kuti vedzihurumende vapinde misangano yakadai asi kuti vanofanira kupinza vakaremara pakati pemisangano iyi
Asi Vatiwo havo zvinofadza kuti hurumende yeZimbabwe iri kuedza kutevedzera chisungo cheUnited Nations Convention on the Rights of People with Disabilities nekupa vakaremara zvinzvimbo zvepamusoro.


Vamwe vari kupinda musangano uyu mumiriri wevakaremara kuAfrican Union VaNyasha Nhau, avo vati musangano uri kufamba zvakanaka uye uri kuzeya nyaya dzinovabata.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kune vanomirira vakaremara muparande, Seneta Annah Shiri naSeneta Ishmael Zhou, kuti sei vasina kuenda kumusangano wemazuva matatu uyu.

Asi mumwe mushandi mukuru mubazi rezvevashandi nemabasa pamwe nekugara zvakanaka kwevanhu, kana kuti Public Service Labour and Social Welfare, iro rinoona nezvevakaremara, audza Studio 7 kuti Zimbabwe yakamiririrwa zvakakwana kumusangano uyu.

Ati nyaya yemari ndiyo yakaita kuti vamwe vaitarisirwa kuenda vasaende achiti mutevedzeri wegurukota rebazi iri, Amai Mercy Maruva Dinha, ndivo vaifanira kutungamira chikwata cheZimbabwe kumusangano uyu, asi havana kuzoenda mushure mekunge vhiza ravo ranonoka kubuda.

Zimbabwe ndeimwe yenyika dzino yemurwa kuti dzine mitemo inobata vakaremara yakanaka, asi vamwe vanoti mitemo iyi haisi kutevedzwa zvakadzama.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG