Accessibility links

Breaking News

United Nations Inoudza Zimbabwe Kuti Masangano Akazvimirira Oga Hadzisi Mhandu


VaEdward Kallon mukuru weUNDP
VaEdward Kallon mukuru weUNDP

Mukuru weUnited Nations muZimbabwe ,VaEdward Kallon, vanoti masangano akazvimirira ega haafanirwi kuonekwa semhandu nehurumende nekuti akakosha mukubatsira kucherechedzwa nekuchengetedzwa kwekodzero dzevanhu dzakasiyana-siyana.

Vachitaura muBulawayo nhasi pamusangano wekuzeya kuti nyika yasvika papi kuchitariswa zvakanzi hurumende inofanirwa kuita mukuvandudza kucherechedzwa kwekodzero dzevanhu pasi pechirongwa cheUnited Nations Universal Periodic Review, kana kuti UPR, VaKallon vati nyika dzakawanda pasi rose dzine mabumbiro emitemo ane kodzero dzevanhu.

Asi vati chinowanzonetsa inyaya yekuti hurumende ingatsigirwa sei mukutevedzera zvose zvakakosha zvinenge zviri mubumbiro remitemo kusanganisira kuchengetedza kodzero dzevanhu, vakati masangano akazvimirira oga akakosha pakubatsira hurumende mukuita izvi.

VaKallon vati, “Masangano anoshanda akazvimirira haasi mhandu yehurumende." Vaenderera mberi vachiti, "Masangano akazvimirira anoshanda mukubatsira kuve nehutongi hwakanaka huye kurudziro yangu ndeyekuti panofanirwa kuve nemaonero ekuti pane mikana yakakura yekutaurirana kana kuonesana. Kana pakave nemaonero akadai, ndine chokwadi chekuti hapana chingatadza kuitwa.”

Muzvare Chiedza Mlingwa, chipangamazano musangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum, rimwe remasangano ange achitungamira musangano uyu, vatsanangura kuti chirongwa cheUniversal Peer Review chinoitwa nekuzvidira, nyika ichizvipira kuti dzimwe nyika dziri pasi pemubatanidzwa weUnited Nations dziongorore kodzero dzevanhu dzenyika inenge yazvipira seizvi, uye kupa mazano pamusoro pezvinofanirwa kugadziriswa.

Chirongwa ichi chinoitwa mushure memakore mashanu ega ega. Zimbabwe yakapedzisira kuongororwa pakutanga kwegore ra2022 uye pazvinhu zvinopfuura mazana maviri nemakumi matanhatu zvayakakomekedzwa kuti igadzirise munyaya dzekodzero dzevanhu, hurumende yakatambira kugadzirisa zvinhu zana nemakumi matanhatu nezvisere, ikati yaizotarisawo zvimwe zvacho.

Muzvare Mlingwa vaudza Studio 7 kuti, “Tikatarisa nyaya dzakaita sekugadziriswa kwemitemo inorambidza kuroorwa kana kuroora kwevana vasati vabve zera uye kuvepo kwemutemo weIndependent Complaints Commission ndezvimwe zvakakurudzirwa kuti hurumende iite ikazviita."

Vatiwo, "Pane nyayawo yekubviswa kwedeath penalty uye tinoona kuti senyika tiri kutora gwara rakanaka kuti mutemo uyu ubviswe. Asi pachine zvimwe zvakawanda zvakadai sekusaremekedza kodzero dzema special interest group semaLGBTIQA uyewo nyaya yekuti hurumende haisati yasaina Convention inorambidza kushungurudzwa kwevanhu kana kuti Convention Against Torture and Other Cruel, Degrading or Inhuman Treatment or Punishment.”

Munyori mubazi rezvemitemo, Amai Vimbai Nyemba, vanzi vange vabvuma kuve pamusangano uyu asi vazonzi vabatikana. Taedza kuvabata kuti tinzwe divi rehurumende asi nharembozha yavo yange isingadavirwi.

Asi nezuro vachitaura pamusangano webato ravo wePolitburo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakayambira vemasangano akazvimiririra oga kuti vasapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMnangagwa vakambopawo yambiro kune vemasangano akazvimirira nenyika dzekumadokero dzavanoti dzinotsigira masangano aya mukuda kupidigura hurumende.

Amai Dorothy Moyo, vanove mutevedzeri wasachigaro weZimbabwe Human Rights Commission, iyo ine basa rekuona kuti kodzero dzevanhu dzachenngetedzwa varamba mashoko ekuti vari kuremerwa nemutoro. Amai Moyo vati, “Nguva zhinji isu vekomisheni tinenge tichipinda muvanhu tichivadzidzisa pamusoro pekodzero dzavo nekudaro vanhu vakawanda vave kuziva kodzero dzavo nezvavakasununguka kuita munyika zvichienderana nezviri mubumbiro remitemo wenyika.”

VaTafadzwa Chikumbu, sachigaro weZimbabwe Human Rights NGO Forum, vaudza Studio 7 kuti musangano wanhasi uyu ndewekugadzirira kuve negwaro remasangano akazvimirira rinopa maonero awo pamusoro pekodzero dzevanhu munyika sezvo pave pakati nepakati kubvira pakaongororwa Zimbabwe kusvika paichaongororwazve mugore ra2026.

Hurumende ine mutemo wakanangana nekuvandudza mabasa emasangano akazvimirira oga uyo uri kuzeyiwa iko zvinmo nedare reparamende.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakati mutemo uyu wakakosha munyika kuti vemasangano akazvimriira oga vasashandiswe mukufambiswa kwemari dzinogona kushandiswa muchitototo.

Asi United Nations nemasangano akazvimirira oga anoti mutemo uyu uchapa kuti masangano akazvimirira oga avharwe. Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition VaPeter Mutasa vanoti uyu mutemo wakaipa zvikuru.

Zimbabwe yakatanga kuzvipira kuongororwa mugore ra2011 ikazoongororwazve muna 2016 nemuna 2022.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG