Accessibility links

Breaking News

Masabhuku neMakanzura Opomerwa Mhosva Yekuita Huori Pakugoverwa kweChikafu kuMaruwa


Vamwe vagari vakawanda munyika vanoti havasi kufara nemari dzavari kubhadhariswa nemamwe maSabhuku nemakanzura pavanopihwa rubatsiro rwezvekudya kubva kuhurumende.

Vagari ava vanoti vari kubhadhariswa dhora rimwe chete rekuAmerica kana madhora maviri maviri zvichienderana nekukura kwemutunhu.

Mumwe mugari wekwaKazangerare kuHurungwe, VaNorman Gora vati,“Tiri kubhadhariswa mari iyi kwaKazangarare uye tiri kubhadhara maSabhuku aripo, hapana zvavari kutaura” VaGora vanotsanangura.

Mumwe mugari wekwaZvimba, Mashonaland West muwadhi 10 Amai Jesca Taruziva vanoti vanobhadhariswa nemasabhuku makanzura aripo.

Vaimbova nhengo yedare reparamende asi vave sabhuku kuShurugwi, mudunhu reMidlands, VaTemba Mliswa vanoti kunyangwe zvisiri pamutemo, varimi vanobhadhariswawo zvakare kuti vapihwe zvikwanisiro zvekurimisa.

Sabhuku Mliswa vaenderera mberi vachiti, “Izvi zvagara zvichiitika kunyange parinogoverwa mbeu nefotereza zvehurumende, asi mutemo unoti havafanirwe kubhadhara. Vanotakura matsotsi pamwe nevashandi vehurumende asi kuno kwedu tinoramba, tinovaudza kuti vadzokere nechibage chacho asi havadzokere”
Sabhuku Karengesha, VaBibo Karengesha vekuMagunje kuHurungwe vanoti masabhuku anoudzwa nemakanzuru kuti hurumende haina motokari dzekutakura zvekudya vachinzi vanhu vavo ngavabhadhare mari yekutakura chibage kuti chikurumidze kuenda kuvanhu. Vati, “Makanzura anoti hurumende haina motokari dzekutakurisa chibage vachiti tipihwe mari yacho nevanhu vachapihwa chibage.”

Sadunhu wekwaZvimba, VaGibson Jenami vatiwo dzimwe nguva vagari vacho ndivo vanenge vakumbira kuti vabhadhare mari kuti chibage chisvika pedyo nemisha yavo sezvo dzimwe nguva kwahinoendeserwa kunenge kuri kure. VaJenami vati, “Dzimwe nguva panosvikira chibage nekunenge kuchienda vanhu kunenge kuri kure nekudaro vabereki vanogona kuwirirana kubhadhara mari.”

Mukuru weMadzishe mudunhu reMashonaland West, Mambo Ngezi, VaPeter Pasipamire vati, “MaSabhuku ari kwakagariswa vanhu patsva anova maziso amambo anogona kunge achishandiswa nemakanzura kutora mari kuvanhu”.

Mambo Chundu vekuHurungwe, VaAbel Chundu vanoti, “Parizvino tiri kupa vanhu zvekudya pasi peZunde raMambo uye vari kupihwa pachena pasina ari kubhadharisa.”

Mutauriri webandiko rezvemagariro evanhu Muzvare Respect Guti vati, “Isu hapana zvatati tanzwa nekuti hurumende inobhadhara mari dzose kune vanotakura”

Gore rino Zimbabwe yakatarisana nenzara inotyisa uye vanhu mamiriyoni mapfumbamwe kana kuti 9 million vanoda rubatsiro rwechikafu.

Hurumende yakakumbira mari inodarika mabhiriyoni matatu kana kuti US$3,3 billion kune nyika nemasangano ekunze kuti ibatsire vanhu nezvekudya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG