Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vana Voendeswa KuChipatara neNzara kuMasvingo


Vana vana vanonzi vakaendeswa kuchipatara chekuBikita kuMasvingo nekuda kwenzara yokonzera kutyi vadye chikafu chisingavake muviri kana kuti “malnutrition.”

Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chesangano reUNICEF chekubatsirwa nechikafu chevana ava uye nedzidziso yekupa vana zvikafu zvakakwana zvinehutano paDevure 1 Rural health Centre munzvimbo yekwa Manyuchi muward 24 kuBikita nhasi, mukuru wepachipatara ichi, Amai Haruvandi Rambanapasi, vati vakarapa vana vana pachipatara chavo avo vavakagarisa muchipatara vaiva vasina hutano hwakana nekuda kwekushaya chikafu.

Vati nenyaya yenzara iriko gore rino vanotarisira kuti huwandu hwevana ava huchakwira vachienzanisa negore rapera iro vakarapa vana vaviri chete

Izvi zvakaita kuti sangano reUnicef riparure chirongwa chekupa mhuri dzinosvaika zviuru zvina mumabhuku gumi nemana kuward 24 chikafu chekupa vana vane makore ari pasi pemashanu uye kupa dzidziso kunana Mai vavo pamwe nana mbuya hutano vemumaruwa.

Vanotungamirira bazi rezvekufambiswa kwemashoko munyika kuUNICEF, Yves Williemot, vati vakauya nedanho iri mushure mekuona kuti vana vari kurwarwa nenyaya dzekushaikwa kwechikafu chine hutano dziri kukwira munyika nekuda kwenzara iriko gore rino.

Pachirongwa ichi vana vari kupuwa hupfu, mipunga, Bhinzi nekukurudzirwa kudya zvikafu zvechivanhu izvo zvine hutano zvakaita semazai, mukaka nebota rehupfu hwechimera.

Vabreki vari kudzidziswawo kuongororwa hutano hwevana uye kuona minongedzo yekuti vana vakurwara kuti vakurumidze kumhanya navo kunorapwa.

Izvi zvakatambirwa nevabereki vakaita saAmai Chipo Nyahunda veku village 5 vachiti rubetsero urwu rwuri kuponesa vana vavo.

Apowo vamwe vakaita saAmai Anna Vhundukai vanoti dzidziso yehutano hwevana inoita kuti vakurumidze kuona kurwara kwevana munzara vouya navo kuchipatara vasati varasikirwa nehupenyu.

Kanzera weward 24,VaStephen Chakavamba vebato reZanu PF, vanoti rubatsiro urwu runoyamura hurumende kuchengetedza hutano nehupenyu hwevana.

Apowo VaTongai Mugomo vemuvillage 8 vanoti hupenyu hwevana munzvimbo mavo hwakatarisana nedambudziko guru nenzara ye ELnino nekudaro vanotarisa kuramba vachibatsirwa.

Vanhu vanopfuura mamirioni manomwe munyika vakatarisana nenzara yakaoma izvo zvaita kuti hurumende itsvage rubatsiro rwemari inosvika mabhirioni matatu nemazana matatu ichiti hapana munhu anofanira kufa nenzara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG