Accessibility links

Breaking News

Vari Kufanotungamira Chimwe Chikwata cheCCC, VaJameson Timba, Pamwe neVechidiki Vanoda Kusvika Zana Vanosungwa muHarare


VaJameson Timba.
VaJameson Timba.

Mapurisa muHarare anonzi asunga vari kufanotungamira chimwe chikwata chebato rinopikisa reCCC chinonzi chinotsigira vaimbove mutungamiri weCCC, VaNelson Chamisa, VaJameson Timba, pamwe nevamwe vechidiki vanoda kusvika kuzana.

VaTimba nevechidiki ava vanonzi mushure mekunge vaungana pamba pavo vachida kuita musangano wekucherechedza zuva remwana wemuAfrica, reInternational Day of The African Child, iro rinocherechedzwa musi wa 16 Chikumi gore roga roga.

Mapurisa kuBulawayo anonziwo arambidza vechidiki ava kuungana zvazoita kuti vaite musangano wavo vari panze penhandare yeBarbourfileds.

Murongi wemisangano musangano rinoti riri kumirira vana veZimbabwe, reCitizens’ Movement, iro rinoti ndiro ranga raronga musangano uyu, VaAmos Chibaya, vanoti vechidiki ava vanga vaungana pamahofisi esangano ravo muHarare asi vazoshamisika voona mapurisa akapakata zvombo achiparadza musangano uyu.

VaChibaya vanoti vanga vasingade mvumo kubva kumapurisa sezvo musangano uyu wanga usiri weveruzhinji uye waitirwa pamba pemunhuwo zvake.

Gweta riri kumirira vasungwa ava, VaJeremiah Bhamu, vanoti vachiri kumapurisa kwavari kuedza kubatsira vasungwa ava, uye vakwanisa kuziva kuti paHarare Central police Station pane vanhu makumi mashanu nevasere vaendeswapo, vamwe vachiti vaendeswa kuAvondale Police Station.

VaBhamu vnoti vasungwa ava vari kupomerwa mhosva yekuungana nechinangwa chekukonzera mhirizhonga nekukanganisa runyararo.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare kanawo mutauriri wemapurisa nyika yose, Commissioner Paul Nyathi, sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

Ukuwo, vechidiki veZanu PF vanotiwo vacherechedza zuva remwana wemu Africa iri kunyange hazvo vasina kuungana pamwe chete. Imwe nhengo yevechidiki muZanu PF mudunhu reHarare, VaAlex Gakanje, vanoti vechidiki vebato ravo vacherechedza zuva iri kuburikidza nekushanyira vamwe vechidiki vane matambudziko akasiyanasiyana mumatunhu avo avagere vachivapa rubatsiro rwavanoda.

Vanotiwo vari kukurudzira vechidiki kuti vashandise maoko kunyange hazvo vaine zvitupa zvekupedza zvidzidzo zvepamusorosoro.

Pakusungwa kwevamwe vechidiki, VaGakanje vanoti mutemo unofanirwa kuteverwa, vachiti vechidiki ava vaifanirwa kutanga vazivisa mapurisa kuitira kuti vachengetedzwe pamusangano wavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG