Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vorumbidza VaRamaphosa Vachiti Havana Kuda Kutsvaga Vakaita Saana"Tshabangu"


Nelson Chamisa
Nelson Chamisa

Advocate Nelson Chamisa vanoti kunyangwe vasingawirirane nezvakawanda zvinoitwa nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa, danho ravo rekuumba hurumende yemubatanidzwa nekusayedza kubirira sarudzo rinofanira kuyemurwa.

VaChamisa vaudza Studio 7 kuti, ““Ndokusaka tiri kupokona naVaMnangagwa, kuti varume, hatigone kuenda mberi nyaya yehurumende isati yagadziriswa.”

Vaenderera mberi vachiti, “VaRamaphosa vakabuda vachiti tatadza kubudirira saka tave kuita hurumende yemushandirapamwe, havana anaTshabangu, (Sengezo) vanonotsvagwa, munhu anongonongwa, munhu anenge achizvifambira onzi ndiwe wave mutungamiriri. “

Hatina kukwanisa kubata VaTshabangu kanamutauriri waVaMnangawa VaGeorge Charamba sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa. Asi VaTshabangu neZanu-PF vanoramba kuti vari kushanda vose.

Kunyangwe VaChamisa vachiti VaTshabangu vainge vasiri nhengoi yebato ravo, vakatambirwa nedare reparamende pamwe nematare.

Nyaya yekusarudzea kwavanaoti vakaitwa haisati yazeyiwa nematare ayo anonzi nemagweta eCCC aikurumidza kutobga nyaya dzose dzaikwidzwa kudare naVaTshabangu.

Bato guru remuSouth Africa reANC rakakundikana kusvitsa mavhoti anodarika makumi mashanu kubva muzana kuti rikwanise kuumba hurumende.

Izvi zviri kurimanikidza kuumba hurumende yemubatanidzwa nebato reDemocratic Alliance, Inkata Freedom Party nerePatriotic Alliance.

Forum

XS
SM
MD
LG